TARIRO Makanga-Chikumbirike anove mutauri kusangano rinopa dzidzo munhau yeHIV/AIDS reSouthern Africa Aids Information Dissemination Service (SAfAIDS) uye ari kumhanya-mhanya mukuona kurongwa kwemusangano mukuru wezvirwere zvepabonde uchaitwa muZimbabwe weICASA kubva musi wa29 Mbudzi kusvika 4 Zvita anoti ikodzero yemunhu wese anoda mishonga yemaARV kuti aiwane.
Makanga-Chikumbirike, uyo akaita nhaurwa nemadzimai matatu anotengesa miviri yavo kuti vararame svondo rapera, anoti hakutariswe kuti munhu anoitei asi kuti kodzero dzehutano dzinozadziswa zvisina kuti uri ani.
Madzimai aya akaramba kuti havasi pfambi nekuti havana varume uye havana wavanonyepera.
Nhaurwa iyi inowanikwa paYouTube iine musoro unoti ‘Sex workers interview with Tariro Makanga- Chikumbirike (uncensored).
Madzimai aya atichati mudzimai 1, mudzimai 2 nemudzimai 3 vakataura zvinokatyamadza.
Mudzimai wetatu akati kunyangwe achitengesa muviri hazvirevi kuti anofanira kubhinywa.
“Ini ndinotengesa muviri wangu kutsvaga mari asi hazvirevi kuti ndinoda kubatwa chibharo, kwete. Gore randatanga basa iri ndakabatwa chibharo nevarume vatatu pamwe neshamwari dzangu zvekuti nanhasi ndinorwadziwa,” akadaro mudzimai wetatu.
“Semunhu aive mutsva ndakawana vazhinji vaindida. Ndaibhadharisa $10 nguva diki uye ndaiti ndangodzoka mubhawa ndotowana mumwe. Mari ndinochengetera mubra asi handina kuziva kuti varume vatatu vainwawo mubhawa umu vaive mabhinya. Vakatitora neshamwari dzangu mbiri toenda kune rimwe bhawa uko vakanotitengera ma’six pack eblack label’ ekuti unodhakwa nekukasira. Vakazoti ngatibudei mubhawa tiende kunovhakacha isu tikati mari yedu, vakatipa.”
Madzimai aya anoti vakapinda mumota nevarume vatatu vaya asi vakazoshama mota yopinda mumakuva kuMbare, muguta reHarare.
“Takabvunza kuti taive toitei mumakuva zvikanzi ma*ure makajaidzwa. Bvisai hembe dzese hunzai mari yese tikabatwa chibharo,” anonyarara osvimha musikana uyu.
“Takakumbira kuti vashandise makondomu, zvikanzi wakazvarwa wakabata kondomu here iwe? Takabhinywa vachichinjana, uku tsvina ichiyerera kubuda mavari vasingambopukuti,” anochemazve.
“Mumwe wangu aitove murwere asi havana kuita basa nazvo. Takaitwa kanyama-kanyama uye vapedza vakati mhanyai pamberi pemota muri musvo kusvikira vakazotisiya vonanga dhorobha,” akadaro mudzimai wetatu.
Madzimai aya vanoti sevanhu vaive musvo vakafamba voenda kumba kwemumwe wavaiziva. Ikoko ndiko kwakanooma upenyu.
“Takaenda kumba kwemumwe musikana wataiziva tichigogodza kwakabuda murume akadaidzira kuti varoyi.
“Takarohwa tikaendeswa ku’base’ tisina kupfeka kudaro. Ikoko takatsvairiswa dandare tiri musvo tikazopiwa machira ekumonera nemamwe madzimai avo vakateerera nyaya yedu. Takaendeswa kumapurisa kunove kwatakanobva chiri kumeso,” akadaro mudzimai wepiri.
Madzimai aya akazopiwa hembe voregerwa vashungurudzwa. Sevanhu vaive vasina mari, vakatunhaira kuenda kuKuwadzana.
“Ndakasvikogara mazuva matatu ndikati ndovaviwa nenhengokadzi. Ndakaenda kukiriniki uko nesi akadaidza vamwe kuti huyai muone munhu kuora achifamba. Ndakati sverere kutiza vakaseka asi mumwe musikana akanditevera. Ndakamudzinga akaramba akashinga kusvika ndazotaura. Akati aizouya kumba kwedu mangwana oenda neni kuSisters Clinic kunove kunorapwa pachena. Chokwadi mangwana akauya akandibereka toenda kukiriniki iyi sezvo ndainge ndisisagone kufamba,” akadaro mudzimai wetatu.
Mudzimai uyu anoti akatanga apihwa mvura nemishonga kuti ageze semunhu aive onhuhwa.
“Ndakarapwa ndikaudzwa kuti ndaifanira kuuya nguva yandainge ndabatwa chibharo. Ndakaziviswa kuti ndaifanira kuongororwa utachiona hweHIV asi ndakanga ndisina kugadzikana. Ndakazodzokera ndapora uko ndakaonekwa kuti ndaive neutachiona hweHIV,” anotaura ochemazve.
Makanga-Chikumbirike anotaura nemudzimai wekutanga uyo anoti akaonekwa kuti aive neutachiona hweHIV mugore ra2005.
“Ini ndakaonekwa utachiona mugore ra2005. CD4 Count yaive yakakwira naizvozvo handina kuiswa pamapiritsi kusvika nhasi handisati ndonwa maARV. Ini ndikawana basa rekushanda ndinoregera kutengesa muviri nekuti zvakaoma. Unobirwa mari newaunenge uchiti mudiwa wako ipapo kana kurohwa,” akadaro mudzimai wekutanga.
Mudzimai wepiri anoti aive aine vana vana asina murume.
“Ndaishanda mumba uye mari yacho hayaikwana kurera vana. Ndakazoita bhindauko irori mushure mekutambura nevana. Ndinobika makeke chero sadza rekudya zvese ndinogona. Ndikawana mukana wekuita izvi ndinosiya nekuti ndine makore makumi mana nematatu. Mubasa redu ukasungwa unowana mupurisa achiti ndipewo ndikuregere naizvozvo tinoshungurudzwa zvakanyanya,” mudzimai uyu akademba -demba.
Makanga-Chikumbirike anoti hakuna munhu anofanirwa kutarisirwa pasi nevehutano.
“Munhu wese anoda kurapwa anofanirwa kurapwa asina kubvunzwa mamiriro ake kana kusekwa,” akadaro.
Mutemo wemuno unoti chipfambi haisi mhosva asi kuti mhosva kutsvaga wekuda kuita naye zvebonde.
Tariro Tandi, uyo anoshanda kusangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi reZimbabwe Women’s Lawyers Association (ZWLA) anoti mhosva iri pakunzi uri kutsvaga wekuita naye bonde.
“Munyika ino haisi mhosva kuita zvechifambi, mhosva iri pakunzi uri kutsvaga wekuita naye chipfambi inonzi pachirungu ‘soliciting for the purposes of prostitution’. Madzimai mazhinji akasungwa achizvifambira izvo zvisina kunaka,” akadaro Tandi.
“Unoziva sei kuti munhu ari kufamba ega ari kutsvaga varume? Iyi inhau inoda kugadziriswa.”
Musangano wezvirwere zvepabonde weICASA une donzvo rekuti munhu wose awane kodzero yedziviriro uye mishonga yemaARV.
“Isu tiri kuti munhu wese ikodzero yako kuwana dziviriro kubva pazvirwere zvepabonde uye kuwana mishonga,” akadaro Makanga-Chikumbirike.
Ichokwadi munhu atengesa muviri wake ane kodzero dzake dzinofanira kuremekedzwa.
Wenyu: [email protected]



