Kurimwa kwemasamba kwodzikira

IMWE kambani inorima masamba kuChipinge, kudunhu reManicaland yeRatelshoek inoti kurimwa kwechirimwa ichi kwadzikira zvikuru kwemakore mashanu adarika nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusanduka kwemamiriro ekunze.

General Manager wekambani iyi, VaBrendon Scort, vanoti basa ravo riri kufambira mberi zvakanaka zvisinei nematambudziko avakatarisana nawo.

“Basa rekurima masamba riri kufambira mberi zvakanaka zvisineiwo nematambudziko mashoma aripo asi zvose zvakatambanuka,” vakadaro VaScort.

VaLucky Manzini (37) vanova supervisor vachiona nemafambiro ebasa kuminda yeRatelshoek vanoti pane kudzikira kwekurimwa kwemasamba aya kana zvichienzaniswa nemakore mashanu akadarika.

“Tine minda yedu yemasamba inokwana 52 muno, tinokohwa gore rose pasina kumira asi dambudziko nderekuti goho redu riri kudzikira zvikuru mukati memakore mashanu akadarika nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze uyewo nezvimwe zvakasiyana,” vakadaro VaManzini.

Vanoti nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze uku pane tumbuyu twakawanda tunonyuka zvinoita kuti goho ravo ridzikire.

Zvisinei, VaManzini vanoti vari kuedza nepose pavanogona kuuraya tumbuyu utwu kuburikidza nekufirita zvirimwa zvavo.

“Tine vashandi vakawanda avo vanokwanirana nebasa redu vanoshanda muminda yose iyi vachiita majana. Masamba edu tikakohwa tinotakura kuenda nawo kufekitari uko anonosarudzwa nekuomeswa oiswa muzvikamu nemumapakiti akasiyana,” vakadaro.

Basa rekukohwa iri rinoitwa nemishina pamwe chete nevanhu vachishandisa mawoko.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *