Mudzimai (40) ojuja mukaka we’green’ . . . haana mwana, mazamu anoyamwiwa nezvisingaonekwi

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anobva kudunhu raMambo Nyajina,  kuUzumba anoti ari kubuda mukaka we’green’ mumazamu ake pamwechete nekushinhwa naye nevarume vasingaonekwe.

Mai Auline Pasipamire (40) vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwedambudziko ravo iri.

“Ndine dambudziko guru randinosangana naro rekushinhwa neni ndichirota, angava masikati kana usiku. Ndikangorara chete, zvinobva zvatanga, imwe nguva ndakasvinura ndinongotanga kunzwa kushinhwa uye kwandinoenda kunobatsirwa vanonditi izvi zvikwambo kana kuti zvidhoma,” vanodaro Mai Pasipamire.

Vanoti nyaya yekurota vachishinwa nevarume vavasingaone yakatanga vari kuchikoro kubhodhingi yeNyadire High kwaMutoko zvikazoenderera mberi varoorwa kusvikira murume akatiza nekuda kwedambudziko iri.

“Ndiri kuchikoro ndaingorota ndichishinwa neni kusvikira ndapedza chikoro. Ndakazoroorwa mugore ra2003 zvichingoitika. Ndakazotangawo dambudziko rekungobuda mukaka wegreen mumazamu angu kunyangwe ndisina mwana mucheche. Ndinonzwa kuyamwiwa mazamu aya nezvinhu zvandisingaone zvakare izvo zvinoguma zvava kuita kuti mazamu aya ashoshe nekurwadza nekudhonzwa minyatso,” vanodaro Mai Pasipamire. Vanoti aimbove murume wavo aitaura kuti panguva yekuda kusasana, aiona murume aibva arara pakati pavo senzira yekuvaitira shanje.

“Taigara tichinetsana neaimbova murume wangu sezvo aitaura kuti ini aindiona semurume uyewo achiti kune mumwe murume aipinda mumba medu achidanana neni. Nekuda kwedambudziko iri, aimbova murume wangu uyu akagumisira atiza pamba ndokubva tarambana makore maviri akadarika, izvozvi ndangova shirikadzi,” vanodaro Mai Pasipamire.

Mudzimai uyu anoti nyaya yekubuda mukaka we’green’ zvakatanga mugore ra2005.

“Kwandinofamba ndinonzi ndiri mudzimai wechikwambo uye zvichinziwo pane hama dzinondishereketera. Mukurarama kwangu, ndinopomerwawo nyaya dzandisina kuita izvo zvinonzi munyama wandakagadzikwa,” vanodaro Mai Pasipamire.

Mudzimai uyu ane vana vatatu, kusanganisira mumwe mukuru akatoroorwa nemudiki ane makore mashanu anove gotwe.

“Ndakaitwa kukomberanwa nematambudziko, ndinoti kushinhwa nevarume vandisingaone nekubuda mukaka ndisina mwana mucheche. Izvozvi kwakavandika kwangu kune maronda ekusvuuka nekushereketwa neni, ndakaenda kuchipatara ndikanzi handina chirwere,” vanodaro Mai Pasipamire.

Mudzimai uyu anoti anorarama nekuita mabasa emaricho ekuwacha nekusakura muminda yevanhu nekudaro mari yaanowana haikwane.

Mai Pasipamire vanotiwo baba naamai vavo vapenyu asi havasimudze musoro nekuda kwematambudziko akatarisana navo.

“Mumba medu tiri vana 7, vakomana vatatu nevasikana vana uye tose tine matambudziko. Hanzvadzi dzangu hadzina vana kunze kwemumwechete saka tinoda kubatsirwa tose,” vanodaro Mai Pasipamire.

Mbuya Alice Kwenda Masoko (69) vemuHarare, vanoti mudzimai uyu anogona kunge akagadzirwa neveukama kana varume vaanodanana navo.

“Anoda kubatsirwa nenguva nekuti anogona kunge ari kushinhwa naye nanatokoloshi kana kuti mudzimai wengozi,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Dr Enock Maidah vekuchikamu chinoona nezvemishonga kuUniversity yeZimbabwe (UZ), vanoti Mai Pasipamire vanofanirwa kuenda kuchipatara vanoona vanachiremba vanove nyanzvi dzezvirwere zvakasiyana-siyana kuti vabatsirwe.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×