MUTAURIRI wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya yechembere inonzi yakamonererwa nyoka muhuro nanatsikamutanda ichiri kuferefetwa.
“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are kumapurisa ari pedyo kana vasangana nevanhu ava nekuti chinangwa ndechekutora pfuma dzevanhu vachiita mashiripiti emanyepo pamwe nekukonzera nyonga-nyonga nekupesanisa vanhu vakazvigarira murunyararo. Iyo nyaya yekuunganidza vanhu munguva ino yeCovid-19 imhosva huru nekuti ndizvo zvimwe zviri kukonzera kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.
Kuchiti mutungamiriri wesangano reZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero, vanoti nyaya dzanatsikamutanda dzanetsa zvikuru munzvimbo iyi uye vanokurudzira veruzhinji vanenge vambunyikidzwa kodzero dzavo saizvozvi kuti vamhan’are kumapurisa.
“Hongu tiri kunzwa nyaya dzakadaro kuti kunanatsikamutanda vari kumbunyikidza vanhu vachishandisa mhuka dzakadai senyoka nezvimwe uye vachivarozva pfuma dzavo semombe, mbudzi, hwai, huku kana mari chaiyo. Sesangano reZinatha, tinokurudzira vanhu kuti vamhan’are nyaya idzi kumapurisa uye iwo mapurisa ndiwo anozotipirawo nyaya idzodzo kuti tifambire mberi nadzo pazvinenge zvakakodzera,” vanodaro. — Munyori weKwayedza




