Imbwa haizvitengere bhandi

dog
KANA ukaona imbwa ine bhandi remuhuro, zvinoreva kuti ine muridzi wayo. Zviri pachena kuti maporofita enyu aya anoshanda nenyoka mumasowe ane hukama nenyoka tsaru inonzi Satani. Nyaya dziri kufumurwa neKwayedza pamusoro pemaporofita anotambudza vanhu vaMwari achishandisa masimba erima dzine chinangwa chekuti mhuri yeZimbabwe mudzidze kutsvaga Mwari chaiye uye nemwoyo yenyu yese.

Iye Mwari ndiye akatonyatsoti, “Muchanditsvaga mukandiwana, kana muchinditsvaga nemwoyo yenyu yese.” Zvino nhamo yedu ndeyekuti tiri kutsvaga maporofita ari kuita zvishamiso, uye tinobvuma kuitiswa zvinhu zvinotyisa, kwete nekuti tiri kutsvaga Mwari, asi nekuda kwekuti tiri kutsvaga vanhu.

Ndicharamba ndichingozvitaura kuti, Satani akauya zvine power, uye ari kushanda mumasowe nemumachechi asingazorore. Asi iwo masowe rudzii amuri kuunganira ane maporofita ane nyoka? Inyaya ngani dziri kuramba dzichibuda dzevanhu vari kuzviti maporofita, asi ivo vachichiva nekurara pamwe chete nekubata vakadzi nevanasikana chibharo?

Mupostori chaiye, mupostori Pauro anoporofita chaizvo zvichaitika vanhu vachitsauka pakunamata Mwari kwechokwadi. Asi chaanotanga nekuita kuyambira vanhu kuti vasanyengedzwe.

Chokwadi chiripo ndechekuti kutsauka pakunamata Mwari kwakatotanga kare kana tichitarisa kutekeshera kwaita vanhu vanonzi maporofita mumasowe nemumachechi ari kutangwa nevanhu. Nekuda kwekutekeshera kwaita ruzivo rwunotaurwa kuna Dhanieri 12:4, pamwe chete nenzira zhinji dzekushandisa ruzivo irworwo kuti rwurasise vanhu, vanhu vave kungorasiswa nedzimwe nzira dzakapusa. Chiri kukonzera kuti vanhu vapusiswe pamwe chete nekurasiswa nemaporofita enyoka aya, inyaya yekuti vanhu vazhinji havana nguva yekutsvaga chokwadi chaMwari naMwari wechokwadi mushoko raMwari.

Kuuya kwemwanakomana wekurasika kuchange kuine zvishamiso zvinoshamisa sezven’anga dzaFaro kuIjipiti. Asi zvishamiso zvavo izvi zvichange zvisiri zvechokwadi, asi achange ari mashura aSatani ekuti zviite sekuti ndeaMwari (Zvakazarurwa 13:11-15). Zvinonzi neBhaibheri, “Kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema.”

Saka zvichaitwa nemaporofita-nyoka aya zvichaita kunge zvakanaka, asi kumunhu anoziva nekuda chokwadi chaMwari, achaona kuti ndezvekuverevedza kwenyoka, ozvitiza kuti asanyengedzwe nekuparadzwa.

Kana muporofita akange achinzi ane mhiko – imhiko dzerudzii idzodzo iye Jesu paakafa akabvisa zvese zvaitiparadzanisa nerudo rwake? Mhuri yeZimbabwe taurai mufumure huSatani huri pachena hwazara munyika nemumachechi. Mwari ngavatibatsire!

ignatius mabasa [[email protected]]

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×