‘Imhondi yemurume iyi’

newtoys23
MUDZIMAI wekugarorikitwa nemurume wake, uyo anonzi anogarisa zitsvimbo pasi pemubhedha iro raanomuzvakatsa naro pamwe nekumupimira chikafu, akazofunga kukwidza nyaya iyi kudare. Gloria Gweshe akaendesa Kudakwashe Kataka kuHarare Civil Court achiti aoneswa chakati tende nekushungurudzwa.

Gweshe akati: “Murume uyu anotorwadza kugara naye, imhondi. Ndanzwa nekurohwa zuva nezuva anogarisa danda raanondirova naro pasi pemubhedha. Anoita kunge ari kurova nyoka yapinda mumba.

“Iye zvino akatiza pamba musi wandamuendera kumapurisa mushure mekunge ararira kundirova ndikasvika pakutadza kuona maziso angu avhara nekuzvimba. Zvemba ndazvitadza, imhondi murume uyu.”

Akati murume wake anosvika kumba pakati pehusiku osvikomumutsa zvenharo uye kana aramba anomudira mvura nehosipaipi. “Akasvika ndarara anodira mvura nehosipaipi mumagumbeze pamwe nevana achiti ‘mukai’. Chikafu anosiya ayera hupfu kana kuverenga mapisi echingwa oti ‘handidi kusvika paine chabatwa, muchazodya kana ndave kuda’,” akadaro Gweshe.

Kataka haana kuwirana nezvainge zvichitaurwa naGweshe achiti: “Ishe wangu, mukadzi uyu haachandide chete, ari kundinyepera zvese zvaari kutaura. Ngaandirambe zvakanaka kwete kunditaurira zvandisingaite.

“Unenge une mumwe murume, kana ndiri murume wako unondirambira sei?”
Mutongi Babra Masinire akapa mutongo wekuti Kataka asashungurudza Gweshe nenzira ipi zvayo, ochengetedza runyararo uye akazvidza mutongo uyu aizonodya refovhoro kujeri.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×