Imhosva kuita chikiribidi pakutengesa fodya

KANA bhero refodya yemurimi richinge ratorwa nekuda kuhutsotsi hwekuisa zvinhu zvakadai sematombo kana fodya nyoro kuti ringe richiita huremu hwakanyanya anopinda panguva yakaoma nekuti hapana kuvhika kwaungaite mhosva asi kubhadhariswa faindi yeUS$20 pabhero kana kuendeswa kujeri kwegore rose.Kuisa zvimwe zvinhu zvisiri fodya mubhero nechinangwa chekuti inge ichirema kana kuisa fodya yakashata pakati peyakanaka nedonzvo rekunyengedza mutengi kuti afunge kuti fodya yako ndeye mhando yepamusoro imhosva huru kwazvo.

Fodya yose inenge yakaitwa chikiribidi chemhando iyi inotorwa nesangano guru rinoona nezvefodya uye mutengesi anobva atodzimirwa nhamba yake yekuve murimi anotengesa fodya kumisika.

Nokudaro varimi vefodya vanofanira kuona kuti hapana zvinhu zvisingakodzeri zviri kuiswa mumabhero efodya kusanganisira madzinde efodya anenge akasungurirwa mukati memashizha.

Zimbabwe ine fodya yemhando yepamusoro inodiwa zvikuru kunyika dzakasiyana nekuda kweshizha rayo rakanaka iro rine nicotine nenitrosamines shoma uye haikasiki kuparadzwa tetwumbuyu, isina zvakare twumwe tunhu twunoisirwa mukati twusiri fodya.

Kuisira zvimwe zvinhu mumabhero efodya kunokanganisa chimiro cheZimbabwe apo zvinhu zvakadai semakushe, mapurasitiki netambo zvinowanikwa zvakasanganiswa nefodya zvichikanganisa kunyangwe misika yedu inova iri kuyamura varimi avo vakawana mari inoita US$330 miriyoni mukati memwedzi mumwe chete nechidimbu kubva mukutengesa kwavakaita makgs 113,6 miriyoni nemutengo wekapati we$2,91 pakg.

Sangano reTobacco Industry and Marketing Board riri kukurudzira varimi kuti vasashandise mapepa epurasitiki apo vanenge vachipeka kana kuchengeta fodya yavo sezvo kuita uku kuchikanganisa hunaku kwemashizha efodya.

Kushandiswa kwemapepa emhando yepolythe nemapurasitiki hakutenderwi zvachose nokudaro varimi vanofanira kushandisa midziyo inokwanisa kuzoora (organic material).

Zvakare, kushandiswa kwemafuta edhiziri, peturu kana parafini mukuedza kuchengetedza fodya kwakaipa sezvo kuchikanganisa hunaku uye hwema kwefodya.

Zvakakosha kuti muone kuti hapana zvimwe zvinhu zvinopinda mumabhero enyu efodya nekuti fodya yakachena bedzi ndiyo inotengwa kumisika.

Mabhero akaonekwa aine tsvina anovharwa oregedzwa kutengeswa.

Mabhero anenge azoonekwa kuti ane zvimwe zvinhu mushure mekutengeswa anorambwa zvakare.

Chikamu che10% chefodya inenge yawanikwa iine zvimwe zvinhu zvinoita kuti fodya iyi yose irambwe kumisika.

Vatengesi vose vanenge vawanikwa vachidzokorora kubatwa nemhosva dzerudzi urwu vanoongororwa zvakasimba.

Zvakare varimi vanokurudzirwa kushandisa midziyo inotenderwa mukupeka fodya yavo nokudaro vanofanira kutenga midziyo iyi kuvatengesi vakati tsvetere, zvikuru sei vari mukati memisika inotenga fodya.

Senzira yekuti vasadhurirwe, vamwe varimi vari kuwanikwa vari kutenga mapepa ekuisa mukati eputugadzike (tea) kuvatengesi vemumigwagwa zvinoita kuti fodya yavo irambwe.

Varimi nevatengi vefodya vanoyambirwa kuti fodya isina kupekerwa mumasaga erudzi rweHessian pamwe nezvimwe zvinotarisirwa haitenderwi kutorwa kumisika.

Kuti munzwe zvizere maringe nezvenzira kwadzo dzekupeka fodya nezvekushandisa ruzivo rwuzere kusangano reTIMB.

Zvakare, kuvimbika nekuve nefodya ine mwando wakatarwa kunokurudzirwa zvikuru kuitira kuti isakanganisike hunaku hwayo.

Varimi havafaniri kuchengetedza fodya yavo iine mwando wakawanda nekuti inopedzisira yave kuita mavara, kusviba, kuita chiundudzi kana kuti hubve.

Chekupedzisira, varimi havafaniri kukanganwa kuti kuronga fodya zvakanaka kunobatsira kuti inge ichionekwa nevatengi zvakanaka kumisika.

Varimi vanofanira kuona kuti fodya yavo yakachengetedzeka kuti isvike kumisika isina kuparadzwa uye isina zvimwe zvinhu zvisina kukodzera.

 

 

Kuti munzwe zvakawanda tibatei pane zvinotevera: TIMB at 429 Glen Eagles Road, Southerton, Harare kana kutinyorera P.O Box 10214, Harare. Munogona zvakare kuchaya nhare panhamba dzinoti: 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280, 0271-6772. Tinowanikwawo padandemutande rinoti: [email protected]

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×