‘maticha dzidzaiwo’

Malven Mugadzikwa naYvonne Manyanja

VARAIRIDZI vanofanira kuramba vachiwedzera fundo yavo nedonzvo rekuvandudza ruzivo rwavo pamwe nekukoshesa kudzidzisa mitauro yemunyika muno. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naDeputy Provincial Education Director wemuHarare, Mai Joyce Maphosa, apo vaitaura pagungano rekupihwa kwemibairo kuvana vakakunda muzvidzidzo nezvimwe mumakwikwi eMbare-Hatfield District Merit Awards ayo akaitirwa paGirls High School.

“Basa rehudzidzisi rinoda kuti varairidzi vagare vaine ruzivo maererano neshanduko iri kuitika mukuvandudzwa kwedzidzo. Kune chirongwa chakaparurwa neHurumende, cheTeacher Capacity Development Programme, chakanangana nekuti vadzidzisi vawedzere fundo yavo pachena vachidzidza kumayunivhesiti emuno.

“Varairidzi vanofanira kuziva kuti kudzidza hakusi kwevana chete asi kuti vanosungirwa kuwedzera dzidzo yavo kuti vafambirane nenguva,” vanodaro.

Mai Maphosa vanoti varairidzi vanofanira kukoshesa mitauro yemuno sezvo ichifambidzana netsika nemagariro emuZimbabwe.

“Pane tsika dzedu dzechivanhu dzekuti hatikwanisi kudziita nemimwe mitauro kunze kweyedu yemuno.

“Izvi zvinosanganisira mitupo yedu nedzimwe tsika dzerukudzo dzatinopanana izvo zvatisingakwanisi kutaura nechiRungu kana nemimwe mitauro kunze kwerurimi rwaamai rwemuno.

“Kudzidzisa kwatinoita vana mitauro yekune dzimwe nyika kunoita kuti vasagona kuzadzikisa dzimwe dzetsika idzi.”

Mai Maphosa vanokurudzirawo vakuru vezvikoro kuti vashande nesimba mukuzvivandudza kuitira kuti zvifambiranewo nenguva.

Mashoko avo akatsinhirwa naDistrict Education Officer weMbare-Hatfield, Mai Anatoria Ncube, vachiti hapafanire kuonekwa mutsauko wakanyanya pakati pezvikoro maringe nezvakaita sezvivakwa nezvimwe.

 

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×