Rutendo Nyeve
INDASITIRI yezvemukaka wemombe iri kusimukira zvakanyanya muZimbabwe zvichitevera kuwedzera kwayakaita nechikamu 129 percent kubva muna 2017, pachiburwa marita anosvika 155 miriyoni gore rapera.
Izvi zvinotevera basa guru riri kuitwa neHurumende yeSecond Republic rekusimbaradza zvirongwa zvakanangana nekusimudzira chikamu chezvekurima munyika.
Vachitaura paInternational Dairy Federation Regional Dairy Conference Africa 2026 kuVictoria Falls nguva pfupi yadarika, Gurukota rezvekurima, nyaya dzehove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti Zimbabwe pari zvino iri mugwara rakanaka rokuti inge ichibura mukaka unokwanirana neunodiwa munyika kutanga gore rino.
“Zimbabwe yakabura marita 155 miriyoni emukaka muna 2025, apo marita 121 miriyoni akaburwa akanangana nezvemabhizimusi uye mamwe acho asara akaburwa kuti ashandiswe mudzimba. Zimbabwe yaita budiriro huru munyaya yekuvandudza chikamu chezvemukaka,” vanodaro.
“Kubva muna 2026 zvichienda mberi, nyika inofanirwa kubura mukaka unokwanirana, apo chikamu ichi chakasimukira ne129 percent kubva muna 2017.”
Dr Masuka vanoti Zimbabwe iri kutarisira kubura mukaka unodarika marita 200 miriyoni panosvika gore ra2030, zvichienderana nehurongwa hweAgriculture Food Systems and Rural Transformation Strategy 2: 2026-2030.
Zvisinei nebudiriro iyi, Dr Masuka vanoti chikamu chezvemukaka chichakatarisana nezvinetswa zvinosanganisira kushandiswa kwemari yakawanda mubhizimusi nekushomeka kwechikafu chemombe dzemukaka uye zvivakwa zvakaringana.
Vanokurudzira kutorwa kwematanho echimbichimbi ekugadzirisa zvimhingamupinyi izvi senzira yekusimbaradza budiriro muindasitiri iyi.
Vachitaurawo pangungano iri, munyori mukuru mubazi rezvemaindasitiri nekutengeserana, Dr Thomas Utete Wushe, vanoti kusimukira kwechikamu chezvemukaka kuri kubva mukutorwa kwematanho akasimba pamwe chete nemushandirapamwe wemapoka akasiyana-siyana.
“Chikamu chezvemukaka muZimbabwe chinotaura pamusoro penyaya yekutsungirira. Kubva pamarita ari pasipasi, 40 miriyoni, muna 2008, tasimukira kuenda pamarita 121 muna 2025. Budiriro iyi haina kungoitika njee. Zvibereko zvekushanda nesimba kweHurumende, yakabatana nemakambani akazvimirira nevose vane chokuita neindasitiri iyi,” vanodaro Dr Wushe.
Vanoti pasi peZimbabwe National Industrial Development Policy 2, Hurumende yakavamba chirongwa chekugadzirwa kwematangi esimbi nezvimwe, izvo zviri kubatsira mukuderedza mari inoshandiswa mukutenga midziyo yakadai kunze kwenyika.
Nerimwe divi, sachigaro wesangano reZimbabwe Dairy Industry Trust, VaThemba Mutsvairo, vanoti chikamu ichi chiri kutaridza kusimbaradzwa kwakanyanya mumabasa acho nokuda kwekuzvipira kwemapoka akasiyana-siyana.
Vanoti vana vechikoro vanosvika 6,69 miriyoni variko vatori musika uripo nechekare unokwanisa kutengeserwa mukaka. Vanoenderea mberi vachiti mukaka unonwiwa pagore unogona kudarika marita 500 miriyoni kana mwana mumwe nemumwe akashandisa marita ari pakati pe0,3 ne0,75 pazuva.



