India yotendwa nemabhezari

Charmaine Brown naWellington Dengu
HURUMENDE iri kutenda nyika yeIndia nekuwanisa kwairi kuita vadzidzi vemuno mabhezari ekuti vanofunda kunyika iyi pasi pechirongwa cheIndian Council for Cultural Relations (ICCR) Foundation.

Vachitaura pachirongwa cheICCR Foundation – icho chakaitwa muHarare munguva pfupi – gukukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, avo vainge vakamiririra nadirector wemubazi ravo, Mai Martha Muguti, vanoti mikana iyo iri kupihwa vadzidzi vemunyika ino neIndia inobatsira mukugoverana kweruzivo maringe netsika nemagariro.

“Sangano iri rakapa rutsigiro rwemari kuti pange pachiitwa zvirongwa zvakadai semadopiro (festivals) zvekuti vanoratidzira mumitambo netsika, kuimba, kutorwa kwemifananidzo nezvimwe uye vadzidzi 22 vanobatsirikana gore negore zvinova zvinotifadza,” vanodaro Prof Murwira.

Mumiriri weIndia muZimbabwe, Ambassador Rungsung Masakui, vakakorokotedza avo vakabudirira kuwaniswa zvitupa zvedzidzo zvakasiyana mumakoreji nemayunivhesiti ekuIndia.

“Vadzidzi avo vakapasa vakawaniswa zvitupa muzvikoro zvedu vari kuita zvikukutu pasi rose, zvikuru munyaya dzematongerwo enyika. Vatungamiriri venyika zhinji vakafunda muzvikoro zviri kuIndia,” vanodaro.

Chirongwa cheICCR Foundation chakavambwa mugore ra1950 naMaulana Abdul Kalam Azad uyo aive gurukota redzidzo kuIndia uye chinangwa chiri chekusimudzira kudyidzana munyaya dzetsika nemagariro pakati penyika dzakasiyana pasi rose.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *