Ini ndaivepo: Chinotimba

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vakaona manenji apo vaive panhamo yemunhu akange afa achirumwa nerovambira, mushure mekunge parufu rwake pauya dzimwe nyoka mbiri dzerudzi urwu.

Izvi zvinonzi zvakaitika parufu rwaTsumbei Chingwa (36), mubhuku raChikware, uyo akafa arumwa nerovambira. Cde Chinotimba vanoti ivo nevamwe vaive parufu apa vakapera mate mukanwa nekuda kwemashura aya.

“Ndaivapo panhamo iyi, idunhu randinomirira uye padyo zvikuru nepamba pangu. Amai ava vakafa mushure mekunge varumwa nenyoka, panhamo pavo pakazouya nyoka dzemarovambira.

“Hamheno kuti chii asi inyaya yakavhundutsa vanhu zvikuru,” vanodaro Cde Chinotimba.

Mudunhu iri ndimo zvakare mune imwe nyaya yakamboitika nguva yadarika, yebere rinonzi rakasvika panhamo rikasvikobvoronga vaichema pamwe nekuruma vamwe vanhu vaivepo. Bere iri rakazouraiwa nechaunga chaive parufu urwu.

“Ini senhengo yedare reParamende, ndakangobatsirawo panhamo iyi nezvimwe zvaidiwa asi chokwadi nyaya yakaitika iyi inoshamisa,” vanodaro Cde Chinotimba.

Vanoti mudzimai uyu asati arumwa nenyoka, munzvimbo iyi makaitikazve dambudziko guru remapere ayo mamwe acho anonzi akazouraiwa nevagari veko uye aifamba pamadiro zuva rakacheka nyika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *