Wadhiropu yemuroja yakamuparira

NYAYA yekubata-bata midziyo yemaroja yakazoparira mumwe murume wekuChitungwiza uyo akabatwa nemhosva mudare yekuparadza wadhiropu yemuroja wake inokosha $120.

Given Mutsetse (36) wepanhamba 16 Mukombe Street, Zengeza 2, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Court achitarisana nemhosva yekuparadza midziyo yaWashington Masiye (40) uyo aigara pamba pake.

Mutongi Lazarus Murendo akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri inova yakazoraswa yose paine chitsidzo chekuti Mutsetse aifanira kuripira Masiye $120 yake musi wa31 Zvita wegore rino usati wadarika.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa7 Zvita 2015 munguva dzemanheru, Masiye akatama kubva pamba paMutsetse achibva asiya wadhiropu yake.

Muzuva rakatevera, paakadzokera kunotora mudziyo wake uyu akasvikowana waparara wose watopotserwa pane imwe imba iri pedyo.

Wadhiropu iyi yaikosha $120 uye hapana chakaburwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *