Iniesta otadza kutamba nekuda kwekukuvara

ANDRES Iniesta haasi kuzokwanisa kutambira nyika yake Spain svondo rino mumutambo yayo neFrance neMacedonia zvichitevera kukuvara kwaakaita.
Mutambi uyu ari kutambudzwa neibvi rake izvo zvakamutadzisa kutambira chikwata chake cheBarcelona apo chakasangana neVillarreal svondo radarika uye achange asipo svondo rino kuti atambire nyika yake iyo inorairidzwa naVicente del Bosque.

Del Bosque haana kuda kutsvaga mumwe mutambi anotsiva mutambi uyu, uyo ane makore 30 ekuberekwa, uye acharamba ane vatambi 22 avo vaakadoma svondo radarika, sangano reSpanish Football Federation rakazivisa.

Shasha dzemuEurope idzo dzine mukombe uyu dzichasangana neFrance mumutambo wehushamwari svondo rino vozosangana neMacedonia svondo rinotevera musi weMuvhuro mumutambo wekurwira tikiti remakwishu eEuropean Championships 2016. – Sky Sports News.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×