Inyoka dzevanhu: Zinatha

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemukadzi wekuBuhera uyo akafa nekurumwa nenyoka yerudzi rwerovambira, parufu pake ndokuzouyazve nyoka mbiri dzerudzi urwu, inogona kunge iine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa.

VaGeorge Kandiyero (41), avo vanova mukuru wesangano revarapi vechivanhu reZinatha, vanoti nyoka iyi inogona kunge iri yekutumirwa nevaroyi.

“Nyoka yakaruma amai ava yakangofanana nechipotswa nekuti hazvikwanisike kuti munhu orumwa nerovambira, panhamo pake pozouya zvakare nyoka dzemhando iyi. Uku kuromba kwemhando yepamusoro. Mhuri iyi ngaifambe kune machiremba anogona vabatsirwe,” vanodaro VaKandiyero.

Mbuya Engula Mpofu (43) vekuBudiriro, muHarare, vanoti nyaya iyi ine zvakawanda.

“Nyaya yehuroyi hatigone kuisiya apa nekuti mukatarisa marumirwo akaitwa mudzimai uyu, mukati meruzhinji nyoka ndokunanga iye oga zvinoshamisa. Inogona kunge yakaitwa zvekutumwa,” vanodaro.

Vanoti inyaya inonetsa kuti nehukuru hwerovambira razongoerekana ronzi rakapinda mukati mevanhu pasina kana mumwe chete akariona pakuuya kwaro.

Mbuya Dorothy Manhenda (42) vekuDomboshava, vanotiwo zvakakosha kuti mhuri yemukadzi akafa achirumwa nenyoka uyu izvitsvage.

“Sevanhu, tinoti mhuri iyi ngaifambe nguva ichiripo nekuti panogona kuzouya zvimwe zvakakura kudarika zvavakaona izvi,” vanodaro.

VaMukandawire Miriyosi (50), vekuNorton, vanoti nyoka dzinogona kugadzirwa nemishonga yechivanhu kubva kune zvakaita segavi chairo kana zvimwe zvipuka sembeva dzotumwa kunoruma munhu.

“Iyi haisi nyoka asi kuti mishonga yakagadzirwa, kana idzo dzakauya panhamo apa hadzisi nyoka asi kuti mishonga kana zvidhoma,” vanodaro.

Mumwe chiremba wechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga (60), vekuUshewokunze muHarare, vanoyambira machiremba echivanhu kuti vashandise mishonga yavo kurapa kwete kuuraya vanhu.

“Zvose izvi zvatinonzwa kuti mukadzi akarumwa nenyoka akafa nedzimwe dzikazouya panhamo, kune machiremba akaromba anomirira kuuraya vanhu vasingarape. Tinoti ngatishandisei simba redu kuraramisa vanhu kwete kuuraya,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×