Mukadzi wangu kuti amai vangu muroyi?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri murume ane makore 31 ekuberekwa.

Dambudziko rangu tete ndakabata mudzimai wangu achitaura kuti amai vangu vanoroya uyezve kuti vanondishandisa kundiita murume wavo.

Zvakandibata ndikanyatsodzamisisa pfungwa nezvazvo, moyo wangu hausisina kusununguka kugara naye. Ndomuendesa kumusha kwake here? Ndibatsireiwo tete.

Norman.

Marondera.

MHINDURO:

Nyaya yako muzukuru inorwadza nekuti vaitaurwa ndiamai vako nyakukubereka. Zvinhu zvinokonzeresa kuti pabude mutauro wakadaro inyaya yekuti mukadzi anenge aine shamwari dzinomuudza kuti aende kumaporofita, uko kwaanozonoudzwa zvekupesanisa amwene nemuroora.

Zvekare iwewewo kana ukange uchidisa amai vako zvakanyanya, ndipo paanotanga kuti unorara navo. Vakadzi vanenge vachida kuti mwana mukomana avengane naamai vake.

Zano randingakupa muzukuru nderekuti gara pasi nemukadzi wako mugadzirisane womupa mutemo, nekuti haungasiire mukadzi zvinhu zvinogadzirisika. Kufuririka kunenge kwangoitika, uyezve hapana paungasiya amai wako kunyange vakaita muroyi kana pfambi.

Zvakafananawo naiye mudzimai wako, handifungi kuti angadawo kuti amai vake wanzwarwo. Mese makaberekwa nanaamai, kuti musvike pamuri ipapo.

Saka tauriranai mogadzirisana pachenyu moregererana. Kana zvarambawo mochiendawo kumadzitete nemadzisekuru.

Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×