‘Ipfambi asi ndinomuda’

Courtney Munodawafa

VANHU vaive mudare vakakashamisika apo murume harahwa anogara mumusha weDzivaresekwa, muHarare, akati mudzimai wake ari kuita chipfambi uye anounza zvikomba zvake pamba pavo asi anongomuda zvakadaro.

Shadrach Tembo akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira mudzimai wake Sibongile Ncube achida gwaro redziviriro.

Tembo anoti mudzimai wake anomutukirira uye vakaroorana asina kumubudira pachena kuti aiva nemurume panguva yavakatorana.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Tembo gwaro rinomudzivirira.

“Uyu mudzimai wangu, patakawanana haana kundiudza kuti aiva nemumwe murume. Takagara tose asi iye aibuda achinoona mumwe murume wake. Nenyaya iyoyo ndinorwadziwa mwoyo zvekuti zvose zvaanotaura handichazvigamuchire.

“Semunhu anoshanda musalon, anononoka kudzoka kumba. Ndakazonobvunza vakuru vake kubasa vakati anobva na7pm asi iye anosvika kumba na11 husiku. Anondirova, kundituka nekundityisidzira achiunza zvikomba zvake kumba. Zvisinei, ngaadzoke zvake kumba nekuti handidi kumurova,” anodaro.

Ncube anokumbira ruregerero nekuda kwezvaakaita asi haakwanise kudzoka kumba nemamiriro akaita zvinhu.

“Murume wangu ndinomuda, zvimwe ndakataura zvinorwadza. Asi kubva kwandakaita pamba ndivo vakanditi wadii kumbonogara kumwe ndikati sezvo ‘daddy’ vataura ndoenda nekuti mwanakomana wavo aindirova. Kumba kwangu vanotouya,” anodaro.

“Ndiri kuzvininipisa pamberi pedare ndichikumbira ruregerero nekuti ndiri zvandiri nokuda kwaTembo. Tatowirirana kuti ndotogara nekadhi rekubhengi. Kumba handikwanise kudzokera nekuti hatisi kuwirirana nevana vavo. Ishungu neshanje hadzo zvimwe nekuti ndiri mwana mudiki, vanonzwa nyaya muvanhu votsamwa asi Shumba ndinovada semurume wangu,” anodaro.

Tembo anoti anonetsana nemudzimai wake nekuda kwenyaya yekuita zvikomba.

“Hongu, anonetsana naye mwana wangu vakauya kudare takazvigadzirisa zvakapera. Nyaya yezvikomba ndiyo iri kunetsa, ngaadzoke kumba vana vangu havasisiko. Ndine makore 10 naye uyu. Handinganoroje naye, kunoombera mumwe munhu ini ndine imba yangu? Chokwadi akaramba achidai ndinouraya munhu ini,” anodaro Tembo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *