‘Ndakaramba kurara nen’anga’

Nyasha Bvudzijena

MUMWE mupurisa akashaya pekupinda nenyadzi mudare mushure mekufumurwa nemudzimai wake kuti akaramba kurara nen’anga yakange yatorwa nehama dzake achinzi yaive nzira yekusimbisa mbereko kuti asarambe achibara vana vachifa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Netsai Mutukwa akamhan’arira Andrew Mutukwa achimupomera kumutuka, kumurova uye kumudzinga pamba yewanano.

Netsai anoti dambudziko rakatanga paakaroorwa nekuti haana kumbobvira agamuchirwa nehama dzemurume wake.

Mutongi Gladis Moyo akapa Netsai gwaro rinomudzivirira.

“Hama dzemurume wangu dzinonditi ndiri pfambi nekuti ndakaramba kunogara kumusha saka vave kupota vachibatana nemurume uyu kundindituka uye kundidzinga pamba. Daka guru rakabvira pakuti ndakaramba kurara nen’anga yavakange vatsvaga kuzogadzirisa nhau dzemumusha mavo,” anodaro Netsai.

Anoti kubva pachiitiko ichi, akada kusangana nemurume wake pabonde anotanga kubuda ropa.

Netsai anoti murume wake ava kugara achimurova uye kumutyisidzira nerufu sezvo akaramba kutevedza zvaakange audzwa.

“Murume wangu mupurisa nekudaro anogara achiti anoda kundipfura nepfuti yekubasa uye takambozama kuyananiswa nevakuru vekubasa kwake asi hazvina kubatsira zvekuti vakatozosvika pakutiudza kuti nyaya dzedu havachadzigona,” anodaro.

Andrew anoramba zvose zviri kutaurwa achiti anoda mhuri yake uye haana zuva raakambotyisidzira mudzimai wake.

Anoti dambudziko riri pakuti mudzimai wake ari kupumha hama dzake huroyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×