Ishe nasadunhu vakashaya

Tandayi Motsi
ISHE Chinamhora vekuDomboshava, VaSimon Gandidzanwa Chidziva, vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera ndokuvigwa kupurazi reChabwino nemusi weSvondo, kwakare kuGoromonzi. Mune imwezve nyaya inosuwisa, vakambobata chigaro chehushe hwekwaSeke, Sadunhu Manyere, VaRaphael Madigo Manyere, vakashaya zvakare nemusi weSvondo wadarika.
Vange vave nemakore 81 okuberekwa.

Ishe Chinamhora vakaberekwa musi wa22 Kurume 1945 uye vakagadzwa hushe uhu mugore ra2000.
Sadunhu Manyere vakambobata chigaro chaIshe Seke kubvira pakutanga kwa2013 kusvika pakupera kwegore ra2014.

Musi weMugovera wadarika, vaivewo pagungano rekuvhurwa zviri pamutemo kwechechi yeSt Alban Manyere Anglican Church naArchbishop Nolbert Kunonga, iyo yakavakwa nevagari vemunharaunda iyi.

Sadunhu Manyere vakavigwa kumusha kwavo kwaManyere nemusi weChipiri svondo rino.
Bepanhau reKwayedza ragara richishanda rakabatana zvikuru nevakuru vematunhu, vakaita semadzishe, masadunhu nemasabhuku, munyaya dzine chekuita nekuchengetedza tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×