-‘Wakandidzinga mubhedhuru’ -‘Ndakakuwana uine chikomba’
Sandy Musungata
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achimupomera kumushungurudza akati mukadzi uyu anoda kushandisa matare zvisirizvo zvichitevera kumubata kwaakaita aine chikomba. Auxillia Rwasarira, uyo anoita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana paGulf Complex, muHarare, akamhan’arira murume wake, Trevor Tapfumaneyi, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekurohwa zvose nekutukirirwa.
“Changamire, ndinodawo ‘peace oder’ yekuti murume wangu asandirova kana kundituka uye kuuya kubasa kwangu.
“Anoti akauya kubasa anosiya apopotedzana nevanhu vandinoshanda navo nekuti anofungira kuti ndinodanana navo izvo zvinondibvisa chimiro pane vamwe vashandi,” akadaro Rwasarira.
Akati Tapfumaneyi akamudzinga mubhedhuru mavo nekuti airamba kusangana naye asina dziviriro sezvo achityira kutapurirwa zvirwere zvepabonde nekuda kwehunhu hwake hwekusabvira mumadhirezi.
Tapfumaneyi akati akabata Rwasarira aine chikomba saka ave kuda kushandisa dare kuti awane mukana wekusasana nechikomba chake.
“Mukadzi uyu ane purani yekuti dare rikamupa gwaro raari kutaura iri, ini handizokwanisi kumubvunza nyaya dzezvikomba zvake.
Ndakatomuwanikidza mumota yangu yandakange ndamupa kuti aendese kubasa kwake aine chikomba. Handina tsananguro yandaida kuti aiva ani nekuti akanga akatobatwa gumbo, saka dare rinofanirwa kupaongorora ipapo,” akadaro Tapfumaneyi.
“Panyaya yekuti ndinomurova kunyepa, chakaitika ndechekuti ndakapopota ndamuwanikidza kubasa kwake ndikamusairira apo aizama kuvharidzira chikomba chake ndokubva ndazvisiya zvakadaro nekuti ndakanga ndaona pfuti yakanga yakaiswa pa’dash board’’ ndikatya kuti ndingaurawe.”
Tapfumaneyi akati Rwasarira anonyepa kuti akamudzinga mubhedhuru ravo sezvo ari iye akabuda oga achiti anotya kuti anogona kumuzadza zvirwere zvepabonde.
Mutongi Audrey Tarugarira akapa gwaro redziviriro kuna Rwasarira ndokuti Tapfumaneyi akasununguka kukumbira gwaro iri kana achiona kuti mudzimai wake ari kumushungurudzawo.




