Ivhu ngarishandiswe nemazvo: Minisita Masuka

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kuita mabasa makuru ekuona kuti varimi vakawanda muZimbabwe vave neminda iri mumazita avo (title deeds) uye kuti vashandise ivhu nemazvo kuitira kuti nyika ive nechikafu chakakwana.

Izvi zvakabuda pamusangano uri maringe nekuwaniswa kweminda zvakaenzana, uyo wakakotsverwa nesangano reZimbabwe Land Commission uye ukaitirwa muguta reHarare nemusi weChipiri chino.

Dr Anxious Masuka — vanova gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — vakati Hurumende inorwira kuti minda inge ichigoverwa kuvanhu pasina rusarura.

Vakataura mashoko aya kuburikidza naMai Tendai Bare, vanova sachigaro weZimbabwe Land Commision, avo vainge vakavamiririra.

“Kugoverwa kweminda kunofanira kuitwa nenzira dzakanaka pasi pechirongwa cheLand Tenure System. Tinoda kuona kuti vanhu vanotambura, vakaremara, vechidiki nemadzimai vawaniswa minda zvakaenzana pane kuti minda mizhinji inge iri mumaoko evanhurume bedzi kana vane mari.  Vanenge vapihwa minda havafaniri kuzowanikwa vachiisiya ichiita matongo asi kuti vanofanira kuirima nemazvo nekuti nyika yedu neupfumi hwedu zvakabatwa nekurima,” vakadaro Dr Masuka.

Vakati kuwaniswa kweminda ikodzero yevanhu inofanira kuremekedzwa uye kwakanangana nekuunza pundutso kune veruzhinji apo zvimwe zvirimwa zvinotengeswa kunze kwenyika zvichiunza mari.

“Pasi rose, nhau yeminda ndiyo iri pamberi takatarisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze, nyaya dzekushanya, kurwisana uye kuderedza nzara. Kuparara kuri kuita minda nekuda kwemabasa anoitwa nevanhu akadai seezvicherwa kana mafashamu idambudziko guru rinoita kuti mimwe minda igumisire isingacharimiki sezvo inenge isisina chimiro chakanaka uye kudya kunofarirwa nezvirimwa,” vakadaro.

Dr Masuka vakati Zimbabwe inoda kuti minda inge ichishandiswa pakuzadzikisa zvinangwa zvayo zvebudiriro zvinoendeka zvakaita seUnited Nations Sustainable Development Goal (SDG) 1 yekurwisa hurombo, SDG 2 yekurwisa nzara, SDG5 yekuenzaniswa kwemikana uye SDG 10 yekubvisa rusarura.

“Senzira yekurwisa nzara nehurombo, Hurumende yeZimbabwe yakaunza chirongwa chekugoverwa patsva kweminda cheLand Reform Programme, icho chakabatsira zvizvarwa zvizhinji, zvikuru sei vanhu vatema vainge vasina minda yakakwana,” vakadaro.

Mumiririri weUnited Nations Development Programme (UNDP) muZimbabwe, Dr Ayodele Odusula, vakati madzimai, vanasikana nevakaremara vanofanira kuyeukwa panhau dzekugoverwa kweminda sezvo vari panyatwa yekumbunyikidzwa muzvirongwa zvakadai.

VaLuke Dangirwa — vanove mumwe wevakaremara, vari zvakare sachigaro weNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, Harare Chapter — vakatsinhira kuti vanhu vashoma vakaremara vane minda iri mumazita avo.

“Hazvirevi kuti kana munhu akaremara haagoni kurima; mazuva ano kune michina yatinoshandisa mukurima tichitokunda vasina kuremara. Saka, tinoda minda kuti tive vanhu vanozvimiririra nekusimudzira upfumi hwenyika uye tinotopinza vamwe vanhu mabasa,” vakadaro.

VaMicah Majiwa, vanove Mashonaland East provincial secretary musangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, vakati kuva nemunda kwakakosha nekuti munhu anorima zvirimwa zvaanoda, achizvivambira mabhizimusi ane pundutso.

“Dambudziko riripo nderekudhura kwemiripo inodiwa mukutenga minda uye kuti titore zvikwereti kumabhengi panodiwa zvibatiso zvakadai seminda kana dzimba, zvinova zvinoremera varimi vazhinji,” vakadaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×