Tawanda Munthal
HAKUSI kudanwa anonzwa zvakare kunhandare yeRufaro, Vietnam Stand izere neruzha. Asi urwu harwusisiri ruzha chete. Dynamos haisi kurwira kuti isaburitswe muligi. Iri kurwa semvumba pakati pezvimwe zvikwata zvakatarisira kusimudza mukombe.
Iine mapoinzi 15 kubva pa21 anotarisirwa, poindi imwe chete mumashure meCAPS United, uye mukati mechinguva chidiki nhaurwa yacho yatosanduka, iyi haasisiri nyaya yekurwira kusaburitswa muligi, asi kuti DeMbare icharamba ichitamba zvinodakadza here sezvairi kuita pari zvino?
Mwaka wapera, Dynamos yaitatarika zvakanyanya mumasvondo ekutanga, yaive nemapoinzi matanhatu kubva mumitambo minonwe, ramangwana rayo risina kujeka uye ichitaridzika sechimwewo chikwata zvacho chisina mukurumbira.
Asi iye zvino DeMbare iri kutamba zvinonwisa mvura, haisi kubvuma kukundwa; yatamba mitambo 17 yemuCastle Premier Soccer League isati yambokundwa (kusanganisira mitambo yemwaka wadarika).
Mamiriro ezvinhu akadai haangonyevenutsi mwoyo chete asi kuti anoita kuti pave netarisiro huru.
KuRufaro Stadium, nomusi weMuvhuro svondo rino, Dynamos yakaita mangange 1-1 neFC Platinum, manzwiro acho aive akasiyana, kwete kunzwa kunyevenutswa pamwoyo, kwete kushushikana, asi kuti pane zvimwe zvinhu zviri kuvakika, izvo zviri kuita kuti vatsigiri vechikwata ichi vave vanotanga kuvimba nacho zvakare.
“Iyi ndiyo Dynamos yatinoziva,” anodaro mumwe mutsigiri achitaura mushure memutambo wemusi weMuvhuro.
“Unokwanisa kunyatsozvinzwa, kutamba zvine simba, kubatana, tave nezviroto zvakare.”
Dynamos pari zvino haichaonekwi sechimwe chikwata chenhando asi kuti yave pakati peshasha, nokudaro mutambo wayo mumwe nemumwe unenge uchiongororwa zvakanyanya.
Izvi zvasiyana nemamiriro ezvinhu aivepo mwedzi mishoma yadarika.
Sokutaura kwemumwe mutsigiri weDeMbare mushure memutambo wayo neFC Platinum, “Hatisi kungohwinha mitambo chete, tiri kunetsa kukunda uye izvi ndizvo zvinotipa chivimbo chokuti (Genesis) Mangombe (murairidzi weDynamos) pane zvaari kuvaka. Asi tinoda kuona kuti achasvika kure here.”
Uyu ndiwo mubvunzo une vatsigiri vazhinji veDeMbare, kuti kukunda kuri kuita chikwata chavo kucharamba kwakadaro here kana kuti kwete?
Mangombe anonyatsozviziva, kunyangwe zvazvo asingatauri nezvazvo, kuti chikwata chake chave kutaurwa nezvacho pamusoro pekurwira mukombe uye vanhu vachizvida kana vasingazvidi.
“Tinoda vatsigiri vedu zvakanyanya iye zvino kudarika dzimwe nguva dzose,” anodaro.
“Rutsigiro rwavo rwuri kusunda vatambi kuti vatambe nemwoyo wose munhandare, uye tikaramba tichienda mberi pamwe chete, tinosvika kure.”
Dymanos yakambosvika padanho rakadai makore adarika, tariro yekusvika kure yakange iripo zvakanyanya, panguva iyo zvinhu zvaitaridzika sokuti pane zviri kuvakika asi zvikazongopera apo mutambo wakange wakora muto.
Pari zvino, tarisiro iripo ihuru, uye pakagarwa neDeMbare palogo pari kuita kuti vatsigiri vave nechivimbo chokuti chikwata chavo chinogona kurwira mukombe.
Pamitambo minonwe yatambwa kubva pakutanga kwemwaka, DeMbare haisisiri kuvaka chikwata, iri kubvunzwa mibvunzo yakaoma.
Yadzoka zvine mutsindo here kana kuti iri kungodarika zvayo panguva iyo iri kuhwinha mitambo pari zvino?
Apo mitambo iri kuenderera mberi uye rwendo rwekurwira mukombe rwuchitaridza chimiro chiripo pari zvino, mubvunzo uyu hausi wevatsigiri.
DeMbare ndiyo inofanirwa kupindura.



