Japan yakatsigira Zimbabwe neus$1,5m

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yeJapan yakatsigira Zimbabwe nemari inosvika US$1,5 miriyoni kuburikidza neUnited Nations World Food Programme (WFP)  iyo yakananga kubatsira vanoshaya nezvekudya apo nyika ino  yakatarisana nekudzikira kwegoho rezvirimwa mwaka uno nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Mukuru weWFP, VaSory Quane,  vakatenda rutsigiro urwu vachiti  rwauya panguva iyo rwakange rwuchitarisirwa zvikuru neZimbabwe.

“Rubatsiro urwu rwauya panguva yakanaka nekuti rwuchabatsira vanhu nekuvawanisa kudya apo vari kuedza kurwisa nzara,” vakadaro.

Vanoti vamwe vachabatsirwa nezvekudya kuburikidza nemari iyi vagari vekuZvishavane neMwenezi avo vakarasikirwa negoho ravo zvichitevera kutsva kwakaita zvirimwa zvavo nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka.

Pasi pechirongwa cheWFP cheProductive Asset Creation Programme,  icho chakatanga mumwedzi waChivabvu gore rino, vanhu vari munharaunda dzakasiyana vari kuwaniswa chikafu pamwe nemari zvekare yekutanga mabhindauko anovandudza raramo yavo.

Mumiriri weJapan MuZimbabwe, Ambassador Yashinobu Hiraishi, vanoti  vanofara zvikuru nekudyidzana kwanaka kuri pakati penyika yavo neZimbabwe.

Zvakadai, WFP iri kuda US$10,7 miriyoni yekuti inge ichifambisa zvirongwa zvayo zvebudiriro mumatunhu gumi pakati pemwedzi waChivabvu naZvita.

Hurumende yeJapan ndeimwe yevatsigiri vakuru veZimbabwe uye mugore ra2010 yakabatsira zvikuru nyika ino neUS$43 miriyoni iyo yaiva yekusimudzira zvirongwa zvevanhu vanotambura vakadai senherera, vanorarama neutachiona hweHIV, zvikuru sei vagari vekumaruwa.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×