‘Jeri rikange nani’

Trymore Muvhawa naTafadzwa Mutsotso
MUKADZI wemuHarare anoti ari kushungurudzwa nemurume wake zvikuru zvekuti anoona kugara mujeri kuri nani pane ndondo yaari kuoneswa. Caroline Moyo akaendesa murume wake — Shame Gatsi — kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurova, kumumanikidza bonde pamwe nekumutukirira.

“Mambo wangu, ndatambiswa nhova nemurume uyu, mufunge kuti anondirova nemboma kana bhurumu pasikarudzi zvinoita kuti ndisare ndava kujuja ropa. Mushure mezvo, anobva ada kushinha neni nguva iyoyo, apo ndinenge ndichijuja ropa kudaro izvo zvinoita kuti ndirwadziwe zvikuru.

“Anondirova pamberi pevana anova mamwe maitiro anondishungurudza zvikuru. Haatodi kuti ndiitewo kana chimwe chinhu chinoita kuti ndinhonge nhongewo kamari kekuraramisa mhuri yedu,” akadaro Moyo.

Anoenderera mberi achiti: “Musi waapedzisira kundirova, ndakafenda iye kwava kunyepa kumapurisa kuti ndanwa mushonga wekuti ndizviuraye asi zvakazoonekwa kwachiremba kuti kwaive kunyepa.

“Izvozvi muviri wangu wakazara nemavanga ekurohwa naye. Zvakare, imba yemunin’ina wangu yakatoparara nekuda kwake nekuti anodanana naye.

‘‘Handizive kuti murume uyu munhu akaita sei chaizvo. Ndinoona sekuti jeri chairo rinotova nani pane kugara naye nekuti ndaona chisionekwi ini,” akadaro Moyo achiratidza kushungurudzika.

Gatsi akaudza dare kuti mudzimai wake ane tsika yekunyepa achiti haana kumbobvira amurova asi kuti akangomutsiura chete nekuda kwemafambiro ake ayo aasingaone zvakanaka.

“Handina kumurova uye handisati ndambomurova asi kuti nyaya iripo ndeyekuti iye haadi kutsiurwa kana aita zvakashata. Ndakamuti mafambiro aari kuita ini handisi kuaona zvakanaka mushure mekunge ndaona mameseji mufoni yake.

“Zvekuti ndakamurova akafenda ini handizvizivi asi kuti akanwa ‘rust remover’ mushure mekunge ndamutsiura. Haana kukuvara sezvaari kuda kuti vanhu vabvume muno mudare,” akadaro Gatsi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Moyo gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *