Vatambi vetsiva vosimudzirwa

Abel Ndooka
SANGANO reBox Africa Limited rinoti riri kushanda nesimba mukusimudzira vatambi vetsiva vatsva vemuboka reamateur nechinangwa chekuti vazokwanisa kukwikwidza mumakwishu makuru emuAfrica neepasi rose. Svondo radarika, sangano iri rakatumira mutambi waro, Phillip ‘Cobra’ Musariri – uyo anokwikwidza muboka relight welterweight – kumutambo weZimbabwe National Boxing Board of Control Amateur Boxing Tournament wakaitirwa muHarare.

Mutambo uyu waive wekupa vatambi vetsiva vari kusimukira mukana wekukwenenzvera matarenda avo. Musariri akakwikwidza mumitambo miviri ndokukunda Partson Mutengwa uyo waakarova akaita chadzimira muchikamu chechipiri (round two) ndokuzokunda zvakare Hassan Milanzi.

Chamangwiza weBox Africa Limited, Gilbert Munetsi, anoti mitambo yemaamateur – seuyo wakarongwa neBoxing Board of Control Amateur Boxing Tournament – yakakosha chaizvo sezvo ichapa mukana kuvatambi vari kusimukira.

Sangano ravo, anodaro Munetsi, rine hurongwa hwekuvandudza tarenda raMusariri kuti agove nemukurumbira mutsiva munyika muno, muAfrica yose pamwe nepasi rose sezviri kuitwa naCharles Manyuchi.

“Cobra Musariri tiri kumurongera kuti aende kure netsiva nekuti ukatarira mitambo yake inodadisa zvikuru, matambiro aange achiita anonwisa mvura.

“Kubva mumitambo 38 yemaamateur yaakakwikwidza, akahwina 35 apo 10 yacho aihwina neknockout. Izvi zvinorakidza kuti tarenda riripo uye tikaramba tichishanda naye anosvika kure, anoita shasha yepasi rose,” anodaro Munetsi.

Anoenderera mberi nekukurudzira masangano akasiyana kuti atsigire vatambi vetsiva vari kusimukira.

“Makambani akasiyana ngaauye adire mari mumutambo uyu vatambi vari kusimukira vagove neramangwana rakanaka.

“Isu parizvino takawana mukotsveri wekuCanada – Syd Tangney – uyo watiri kushanda naye. Akatitumira zvekutambisa tsiva kuburikidza nesangano rake Fighters Supporting Youths,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *