Vechidiki ngavatsigirwe mumimhanzi: Mahachi

Abel Ndooka
VAIMBI vane mukurumbira vokurudzirwa kuti vabatsire pamwe nekutsigira vamwe vechidiki vachiri kusimukira sezvo izvi zvichibatsira zvikuru mubudiriro yeindasitiri yemimhanzi. Kurudziro iyi yakaitwa naTatenda Mahachi uyo anove muimbi wemusambo wechitendero ane mukurumbira achiti iye akabatsirwa nevamwe kuti asvike paave nhasi uno. Mahachi parizvino ari kunetsa zvikuru nekambo kake kane vhidhiyo kanonzi Usacheme.

“Ndinodawo chaizvo kubatsira vechidiki vari kusimukira mumhanzi kuti vagove neramangwana rakanaka. Tinoona vamwe vaimbi vachirasika nekuti vanofunga kuti vanoziva kudarika vave nemakore vari muindastiri iyi.

“Ndiri kuzama kubatsira asi hazvirevi kuti ndinoziva kuvadarika, asi zvandakarayirwa nevamwe vaimbi zvakandibatsira,” anodaro Mahachi. Anoti kambo kake – Usacheme – kari kumusimudzira zvikuru munyika muno pamwe nekunze.

Shuviro yake, anodaro Mahachi, kuti akwanise kubatsirawo vana vanotambura kuburikidza nekuti vatange kuita mabhindauko akasiyana ekuti vakwanise kuzviraramira muhupenyu.

“Kambo Usacheme, kandisvitsa kure kumwe kwandaisafungira kuti ndichazombosvika muhupenyu hwangu saka ndinoda kutenda vatsigiri vangu nerutsigiro rwavanondipa.

“Ndichaedza nepandinogona kubatsira vana vanotambudzika pamwe nekuvayamura kuti vatange mabhindauko ekuzvimirira muhupenyu hwavo.

“Ibasa redu vaimbi pamwe nevamwe vanhu vane mukurumbira kuti tidzorere kunharaunda kwatinobva tichisimudzira vanhu vanotambudzika,” anodaro.

Mahachi parizvino ari mushishi kubika rimwe dambarefu iro anotarisira kuparura gore rino. “Ndiri kubika rimwe dambarefu iro ndichaparura manje-manje, richange rine nziyo idzo ndinofunga kuti dzichanakidza kudarika Usacheme,” anodaro Mahachi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *