Jezi raAstori rosendekwa

FIORENTINA yakazivisa kuti hapanazve mumwe mutambi wenhabvu achazopfeka jezi nhamba 13 iro raipfekwa namushakabvu – Davide Astori (31) – uyo aive kaputeni wechikwata ichi.

Astori akawanikwa akafa muhotera yake yaainge akarara musi weSvondo apo chikwata chake chaigadzirira kunosangana neUdinese. Apo ongororo ichiri kuitwa yekutsvaga chakauraya mutambi uyu, hazvisati zvavizikanwa kuti chii chaizvo chakakonzeresa kuti ashaike iye asina kumbobvira arwara.

Asi muchuchisi wekuUdine anofungidzira kuti Astori akafa nekuda kwechirwere chemwoyo (cardiac arrest).

Mashoko enyaradzo ange achitenderera kubva pasi rese achienda kumhuri yake uye nekuchikwata chake, Fiorentina. Chikwata ichi chakabva chazivisa kuti jezi renhamba 13 raipfekwa naAstori harichafe rakapfekwa zvakare nemumwezve mutambi senzira yekumuremekedza.

Astori akatambira Cagliari kubva mugore ra2008 kusvika 2014 ndokuzombobva kuchikwata ichi kwemakore maviri aendeswa kumwe nechikwereti. Asi akazobva zvachose mugore ra2016 uye chikwata ichi chekuSardinia chichatorawo danho rechiremerera seratorwa neFiorentina rekubvisa jezi nhamba 13 kuti risapfekwe zvakare nevamwe vatambi. – Soccerway

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *