John Carver oramba ari kuNewcastle

John Carver
John Carver

NEWCASTLE United yakazivisa kuti John Carver acharamba achirairidza chikwata ichi kusvika pachapera mwaka wenhabvu wegore rino.
Carver (50) ari kuedza nepaanogona kuti ahwine mutambo wake wekutanga ari murairirdzi wechikwata ichi kubva paakatsiva Alan Pardew kumavambo aNdira.

“Nhasi izuva rangu rekufara,” akadaro Carver uyo akakwanisa kuita mangange kamwe chete nekukundwa katatu mumitambo yaarairidza.
“Ndakashanda nemurairidzi wepamusoro kuchikwata chino ndakadzidza zvakawanda kubva kwaari, Sir Bobby Robson. Ndinoziva zvinoreva chikwata chino muguta rino uye nevanhu. Ndinovimba nevatambi vandinavo pamwe nevandinoshanda navo.

“Ndiri kuzvitemba kuti tichabata basa guru mukutamba nhabvu yepamusoro inofadza uye ndinotarisira kushanda nemazvo mubasa rangu rekurairidza chikwata ichi.”

Managing director lee Charnley akatsanangura kuti sei chikwata ichi chicharamba chichishanda nemurairidzi uyo akafanobata chigaro ichi pane kutsvaga mumwe.

Charnley akanyora padandemutande reNewcastle United kuti: “Pakutanga apo taitsvaga murairidzi wekushanda nechikwata chedu, taitsvaga chaizvo munhu akange akazvipira kutanga basa ipapo. Mushure mekunge tatsvaga kwenguva refu kwese kwataifungira, taona kuti zviri nani tizogadze murairidzi pachigaro chinopisa ichi pachapera mwaka wenhabvu uyu watiri.

“Murairidzi watinoda anofanirwa kunge achizoita basa rekuvaka remangwana rechikwata cheNewcastle United uye zvakakosha chaizvo kuti titsvage munhu akakodzera kuita basa iri.

“John ane nhoroondo yakasimba nechikwata ichi, ane rutsigiro kubva kubhodhi racho. Chinangwa chedu chatakatarisana nacho kupedza tiri muzvikwata zvemuTop 10 uye tinovimba kuti John achazviita, achipihwa rutsigiro nevaanoshanda navo, achabata basa sebasa”.
Chikwata chaCarver chakagara pechi11 muPremier League chiine 27 points.

Newcastle United svondo rino ichasangana neHull musi weMugovera apo rinotevera ichange iri pamusha paSt James’ Park ichitatsurana neStoke City. – Sky Sports news

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×