Joshua ndomurikita: Tyson Fury

TYSON Fury anoti ane idi rekuti anokwanisa kukunda Anthony Joshua uyo ane bhande reWorld Heavyweight.

Nhaurwa dzehupenyu hwake uye nedzimwe dzakasiyana dzakaona Fury achimbomira kukwikwidza mutsiva kubva mugore ra2015 apo paakakunda Wladimir Klitschko ndokumutorera mabhande eWBA, IBF neWBO ayo ave naJoshua ose.

Fury achatanga kukwikwidza muna Chikumi uye shasha iyi haisati yambokundwa mutsiva.

Anotarisirwa kukwikwidza kuManchester Arena nemutambi asati ave kuzivikanwa uye kana apedza naye anogona kuzorwa naJoshua.

Paakabvunzwa kuti anofunga kuti anokunda Joshua here, Fury akaudza ITV Good Morning Britain kuti, “Hongu ndinozviziva, dai ndisingazvizive ndisina kumbogara pano ndichitaura zvatiri kutaura izvi. Ndingadai ndiri kuSpain uko ndichinwa hangu Sangria kana zvimwe.

“Hongu, ndozviziva kuti ndozviita nekuti ndinofunga kuti tarenda retsiva ndinaro, ndinofamba nenzira chaiyo uye ndinokwanisa kumisidzana nemutambi akaita saye zvakanaka. Ane simba zvake uye haarwisike naye zviri nyore asi haazosvike pandiri, ini ndave kumberi zvangu.

“Ndinodada hangu naye nezvaaita mumutambo uyu, uye mucherechedzo wakanaka zvikuru kune vamwe vatambi vari kusimukira. Asi ngaachangetedze mabhande ese nekuti ndiri kumuvinga kuzomubvutira manje-manje. Munhu wese mutsiva anoziva shasha chaiyo.” – SportsMail Boxing

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *