Tinoda kurerutsira vadzidzi: Sibanda

Muchaneta Chimuka
MUNYORI mukuru kubazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemuchina, Dr Desire Sibanda, vanoti bazi ravo rakatora danho rekudzikisa mari inobhadharwa nevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji nechikamu che40% panguva iyo vanenge vari kufundira mabasa akasiyana (attachment) nechinangwa chekuvarerutsira.

Bazi iri nguva pfupi yadarika rakadzikisa mari yemafizi iyi mushure mekuona kuomerwa kwevadzidzi.

Vadzidzi vanenge vari kufundira mabasa vanoomerwa zvikuru apo vanobhadhara mari yepekugara, yechikafu neyekufambisa.

Vachitaura pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nevakuru vemakoreji nemayunivhesiti, Dr Sibanda vanoti vanofara kuti danho rakatorwa nebazi ravo iri rakatambirwa nemawoko maviri.

“Ticharamba tichitsigira kuwaniswa kwedzidzo kumunhu wose zvichifambirana nezvinangwa zveSustainable Development Goal No 4 izvo zvine donzvo rekuona kuti vanhu vose vawaniswa dzidzo zvakaenzana. Nokudaro ticharamba tichideredza mari dzinodiwa mufundo yevadzidzi pamwe nepekugara nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo riri kuita hurukuro nevatsigiri vekunze vakasiyana nechinangwa chekusimudzira dzidzo muZimbabwe.

“Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvataikurukura nezvazvo pamusangano weInfrastracture Investment Conference uyo wakaitwa nebazi redu nomusi wa9 Kukadzi gore rino kuti tinge tichitsvaga rutsigiro rwunosimudzira dzidzo yepamusoro,” vanodaro.

Dr Sibanda vanoti matanho avari kutora aya anofambirana nechirongwa cheSadc Protocol on Science and Technology, African Manifesto on Science and Technology pakati pezvimwe zvinhu zvakabvumiranwa nenyika kuti dzinge dzichishandisa chikamu chemari yeGross Domestic Product (GDP) mukuita ongororo nebudiriro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *