‘Joshua, Wilder votyanana’

EDDIE Hearn akapa chikwata chaDeontay Wilder kusvika pakupera kwevhiki rino kuti mutambi wavo agorwa naAnthony Joshua kana kuti osiyana nazvo voronga zvavo mumwe mutambo naAlexander Povetkin muna Gunyana. Hurukuro dziri kuitwa dzekuronga mutambo uyu pakati pevatambi vaviri ava – Joshua naWilder – avo vasati vambokundwa muboka reheavyweight.

Baba vaHearn, Barry, akatombosangana nevamiriri vaWilder Shelly Finkel kuNew York masvondo adarika kuti vapedzise hurukuro dzekuronga mutambo uyu waJoshua uyo ane mabhande eIBF, WBA neWBO kuti asangane naWilder uyo ane bhande reWBC.

Asi iye zvino Hearn (Jnr) anoti mukana wekuti mutambo uyu uitwe gore rino mudiki sezvo vave kutarisira kuti Joshua arwe naPovetkin muna Gunyana.

Izvi zvinoreva kuti mutambo waJoshua naWilder, uyo uchaburitsa mutambi mumwe achazobata mabhande mana makuru mutsiva, uchambomirwa kuitwa kusvika muna Kukadzi 2019.

Hearn anoti, “Baba vangu vakasangana naShelly uye vave kugara vachikurukura. Vakasangana svondo radarika musi weChishanu, uye vakatitumira mashoko padandemutande musi weMuvhuro mangwanani saka tiri kuvapindura.
“Ndinofunga kuti tichazvigadzirisa asi WBA iri kugara ichitibvunza zuva nezuva kuti tave papi uye isu tiri kugara tichiwedzera mazuva ehurukuro acho.” – Sportmail Boxing

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×