Kakomana kodadisa nekutamba nhabvu

Malven Mugadzikwa

KAKOMANA kane makore 13 okuberekwa kanodzidza paDombodzvuku Primary School kwaMurehwa koshura mare nekutamba nhabvu pamwe nekugona muchikoro izvo zvaona kachipihwa mukana wekuti kazotanga Form 1 gore rinouya paPrince Edward School muguta reHarare.

Munyaradzi Dzuda (13) anotaridza kuti remangwana rake rakajeka mumutambo wenhabvu uyu.

Mudzidzisi anoona nezvemitambo paDombodzvuku Primary School, VaEdwel Kadzviti, vanoti shuviro yavo ndeyekuti mukomana uyu azotambire chikwata chenyika mune remangwana.

VaKadzviti vanoti Dzuda akapihwa mukana nePrince Edward kuti azotangira zvidzidzo zvake zveForm 1 pachikoro ichi gore rinouya nekuda kwekugona kwake nhabvu.

“Parizvino ari kutambira chikwata chePrince Edward Under-14 uye vazhinji vari kuda kumutora kuti atambire zvikwata zvavo,” vanodaro.

VaKadzviti vanoti Dzuda inherera sezvo akafirwa nevabereki vose nekudaro anosangana nedambudziko rekuwana mari yechikoro.

“Dzuda mukomana weGrade 7 pachikoro chedu uye ari kuratidza kuti ane chipo chekutamba bhora pamwe chete nekugona muchikoro. Parizvino ndiye anotungamirira vana vechikoro (headboy). Munyaya dzenhabvu, akatanga kusarudzwa kuti amirire dunhu reMarondera apo akakwanisa kunwisa zvibodzwa zvishanu pamitambo mishanu yaakatamba.

“Mushure mazvo, akazosarudzwa kuti amiririe purovhinzi yeMashonaland East pamitambo yenyika yose yakaitirwa paPeter House High School gore rino,” vanodaro.

Vanoti pamitambo iyi, Dzuda akabatsira purovhinzi yavo kuti ihwinhe kuburikidza  nezvibodzwa zvaakanwisa.

“Ndiye mumwe wevakomana vaviri vakakwanisa kupinda muchikwata cheMash East chenhabvu. Dzuda akatamba kaviri achimirira nyika mugore ra2015 nera2016 apo timu dzaaitambira dzose idzi dzakawinha menduru dzebhuronzi negoridhe kakatevedzana. Akatamba zvakare pamitambo yakaitwa paPrince Edward muHarare musi wa22 Chikunguru gore rino apo akasarudzwa kuve mumwe wevakatamba kudarika vamwe vose,” vanodaro VaKadzviti.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *