‘Kushungurudza vakadzi bodo’

Daphne Machiri

VANHUKADZI vekuGwanda – avo vari kusangana nekushungurudzwa munyaya dzinosanganisira kumbunyikidzwa pabonde, kubatwa chibharo nemhirizhonga yemudzimba – vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuparurwa kwakaitwa muzinda wakananga kuvayamura nguva pfupi yadarika.

Muzinda weOne Stop Center, uyo wakavakwa kuburikidza nemushandirapamwe weHurumende nesangano reUnited Nations Population Fund, wakaparurwa zviri pamutemo negurukota rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Nyasha Chikwinya.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Chikwinya vanoti mizinda yakadai yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira vanhukadzi vanenge vachimbunyikidzwa nenzira dzakasiyana.

“Nzvimbo iyi ichange iine kiriniki ichabatsira nekukasika avo vanenge vasangana nematambudziko ekubhinywa uye kuchengeta vanenge vasina kwekuenda nekuvapa mazano ekuti vaenderere mberi neupenyu hwavo zvakanaka,” vanodaro Cde Chikwinya.

Vanoshoropodza varume vanobata vanhukadzi chibharo vachiti vanenge vabatwa nemhosva dzakadai vanofanira kurangwa nemutemo zvakaomarara.

“Vanhukadzi ndivo vari kunyanya kusangana nemhirizhonga mudzimba uye vanoda magweta anovamiririra kumatare,” vanodaro Cde Chikwinya.

Vanoti bazi ravo riri kushanda pamwe chete nerezveutano nekurerwa kwevana mukubatsira vanhukadzi nevana vanenge vasangana nematambudziko akaita sekumbunyikidzwa panyaya dzepabonde. “Ngatiregei kushungurudza vanhukadzi, abatwa ijeri,” vanodaro

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *