Kambo kaMuketiwa naMadzibaba Zakaria kabuda

Abel Ndooka

MUIMBI wesungura – Lovemore Muketiwa – akaburitsa kambo katsva kanonzi ‘Ngatinamatei Nesimba’ ako akaimba neshasha yemhanzi, mushakabvu Nicholas ‘Madzibaba’ Zakaria.

Muketiwa, uyo anotungamira chikwata cheMuketiwa Sounds, akapinda mustudio pamwe chete naMadzibaba Zakaria gore radarika vakatsikisa kambo aka.

Kakazosara kachibuda Madzibaba Zakaria vashaya.

Muhurukuro neKwayedza, Muketiwa anoti akadzidza zvakawanda panguva yaakashanda naMadzibaba Zakaria uye kambo aka akazokaburitsa senzira yekuvarangarira.

“Gore radarika rave kunopera, takarwadziswa zvichitevera kushaika kwakaita Madzibaba Zakaria.

“Ini zvangu ndakarwadziwa zvakanyanya nekuti takange tiri pakati pekushanda tese kubika kambo kangu katsva aka kanonzi ‘Ngatinamatei Nesimba’”, anodaro

“Dai vange vachiri vapenyu gore rino tange tine hurongwa hwekubika dambarefu tose, asi Mwari vakaita kuda kwavo,” anodaro Muketiwa.

Muketiwa akapinda mune zvemhanzi mugore 2006 apo akasangana naChase Skuza uyo akamutora kuchikwata chake akatanga kushanda naye.

Mugore ra2012, akabva kuchikwata chaSkuza ndokubva avamba chikwata chake uye kusvika parizvino akwanisa kuparura madambarefu matanhatu anoti Vana Venyu iro rakabuda 2012, Vana vaMwari (2015), Tinosvika Chete (2019), Gukulume ft Chase Skuza (2021), Zonda Mthakathi (2023) naMudzimu Ndiringe (2025).

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *