Trust Khosa
MUIMBI wemusambo weChimurenga, Kurai Makore, anotenda kuti nziyo dzechivanhu dzichagara nekusingaperi zvisinei nekushaikwa kwevanyori vanonyatsozivikanwa venziyo idzi.
Muimbi uyu, uyo ane makore 37 okuberekwa, ari mudenga rechinonwe zvichitevera kufarirwa kuri kuitwa kambo kake kejiti kanonzi “Manhanga Matete.”
Kambo aka kakanyanyozivikanwa zvichitevera kuimbwa kwakaiitwa nevemusambo wejiti kwaMurewa.
Achibva mutsika dzechiKorekore dzakasimba, Makore akanyorawo kake kekuti “Manhanga Matete” nemusambo weChimurenga.
Kachange kari padambarefu rake riri kuuya rinonzi “Dzimwe Nguva,” iro richaparurwa musi wa8 Nyamavhuvhu kuSherwood Golf Club kuMabelreign, muHarare.
Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub, Makore anoti anofarira zvakanyanya nziyo dzechivanhu.
“Ndakaisa ‘Manhanga Matete’ padambarefu iri kuratidza kuyemura mhanzi yechivanhu,” anodaro.
“Idzi ndidzo nziyo dzatakakura tichiteerera kunyangwe pasina vanonyatsozivikanwa kuti ndivo vakadzitanga. Ndakaimba yangu yeChimurenga, mushure mukukurudzirwa nemusambo wejiti uyo watekeshera uye uri kufarirwa nevatereri kwose-kwose.
“Zvinokurudzira kana vanhu vachifarira tsika dzavo kuburikidza nenziyo, sezvinoitwa mimhanzi yechinyakare.
“Ndinoremekedza vari kusimudzira nziyo dzakatsanangurika idzi uye zvinofadza kuona kuti tiri kugashira tsika nehunyanzvi kuburikidza nenziyo.”
Semutungamiri weThe Black Lions, Makore ari kukwezva mhomho yevanhu kumashoo ake. Anoti ari kurarama zviroto zvake uye vatsigiri vakawanda vari kumugamuchira.
“Ndinozvininipisa nerutsigiro rwandawana mumakore apfuura, izvo zvinoratidza kuti ndichine vanhu vanonditsigira,” anodaro.
“Ndicharamba ndichikoshesa rudo rwandiri kuwana kubva kwavari uye tinoda kudzorera rudo urwu nedambarefu redu riri kuuya.
“Chirongwa chekuparurwa kwaro chatanga uye tiri kukutarisira zvakanyanya, hapana chichatimisa sezvo tafamba nendima.”
Kunze kwe”Manhanga Matete,” dambarefu rake riri kuuya rine nziyo gumi dzinosanganisira “Sango,” “Dande,” “Hukama,” “Murume Wangu,” “Nyuchi,” neina dzebhonasi dzinoti: “Gotokoto Juvinari,” “Tombie,” “Zvinonetsa” na”Rombe.”
Nziyo dzakawanda dzakanyorwa naMakore kusara kwa”Zvinonetsa,” ako kakanyorwa pamwe chete nekukwenenzverwa nababamukuru vake, Dr Thomas “Mukanya” Mapfumo.
Dambarefu iri, iro rakarekodhwa kuKOM Studios uye rakaitwa naOscar Chamba achibatsirana naKnowledge Nkoma, rinotarisirwa kumusimudzira muimbi uyu zvikuru kana pachitariswa huwandu hwevanhu vari kuenda kumashoo ake.
Makore anorumbidzawo zvikwata zvejiti zvekwaMurewa nekuda kwetarenda ravo.
Akatanga kuzivikanwa muindasitiri yemimhanzi nedambarefu rake rekutanga rinonzi ‘‘Gara Unzwe’’ mugore ra2020, asi rechipiri, ‘‘Ngooma Kurira,’’ rakabuda muna2022, ndiro rakaita mukurumbira izvo zvakaona achikokwa kumadopiro akasiyana-siyana.
Mushure mekugamuchira chikomborero chababamukuru vake kuti aimbe nziyo dzeBlack Unlimited, akabudirira kudzibatanidza murunyoro rwake rwekutamba, zvichiita kuti maitiro ake anakidze.
Chiri kuita kuti veruzhinji vatarisire zvakanyanya kubuda kwedambarefu raMakore rechitatu ndechekuti richaburitswa panguva iyo anenge achiridza kuUnited Kingdom pamwe chete nababamukuru vake musi wa23 Nyamavhuvhu kuBirmingham.
Shoo iyi inonzi ndiyo yekupedzisira apo “Mukanya” anenge achionekana nevatsigiri vake asati aenda pamudyandigere. Chiitiko ichi chinotarisirwa kuve chikuru nekuti ndipo apo muimbi ane mukurumbira uyu, uyo ave kugara kuAmerica, achabva atambidza “chimuti” kuna Makore pashoo yake yekupedzisira kuUK.
Puromota weshoo yekuUK, Joab Mugugu, wePhab Entertainment Promotions anotsinhira mufaro uzere wakatarisana neshoo yekuoneka kwaMukanya apo Makore anenge achiridzawo.
“Tinoremekedza ruvimbo rwatakapiwa nemuimbi ane mukurumbira ‘Mukanya’ uye hatizvitore sechinhu chisina basa, ani nani anomuziva anonzwisisa kuti munhu anoda zvinhu zvakanyatsorongeka, kunyanya panyaya yemhando yezvinobuda pazviridzwa,” anodaro.



