Kana zvamubata anoputsa midziyo

Milcah Nhakura

MUMWE mudzimai akadunura mudare achiti murume wake ane hasha dzinenge dzehwiza inozvidambura makumbo kana yashatirwa sezvo kana vakanetsana, anomurova nekupunza midziyo yemumba.

Ratidzai Saini akamhan’arira Steven Musodzo kuHarare Civil Court.

“Murume wangu anondirova zvakaipa. Anoti kana atsamwa, anopwanya midziyo yakaita semandiro ekudyira nemakapu kana nemaredhiyo chaiwo. Ndave kutotyira upenyu hwangu nekuti anondipura semhunga.

“Pari zvino ndava kurara munhanga nekuti murume wangu akandidzinga muimba yedu yekurara uye haachade kuti ndipindemo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinoda kuti asandirambidze kupinda mudzimba dzose nekuti ndinenge ndichida kutsvaira uye iyi imba yedu tose sezvo takaroorana, tiri murume nemukadzi.”

Musodza anopokana nechikumbiro chaSaini achiti akamupa gupuro, saka haasisiri mudzimai wake.

“Ndakamupa gupuro kare, haasisiri mudzimai wangu. Mukadzi uyu ndiri kutomunzwira tsitsi kuti arambe achigara pamba pangu nekuti inhaka yandakasiirwawo nemudzimai wangu asati afa. Midziyo yaari kuti ndinoparadza ndeyangu.

“Kumurambidza kwandinoita kupinda mubhedhuru inyaya yekuti ‘its my privacy’ saka ndinoda kuti andinzwisise kuti kutogara kwaari kuita itsitsi dzangu,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Saini gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *