Kushandiswa kweAK 47

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi nemubvunzo wekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

Kushandiswa kwepfuti inonzi AK 47 nemunyori kunozadzisa musoro webhuku. Tinonzwa munyori achiti pavaive munzira kuenda kwaRota vakahwandira vachena munzira yavaifamba nayo kuti vagovabaya nepfuti. Izvi zvinobuda paanoti, “Ipapo ndakanyatsorara zvakanaka ndokunyatsogumbatira, yaive shamwari yangu, gona reChimurenga AK 47.”

Kurohwa negaro repfuti kunoitwa vatengesi muhondo kunopindirana nemusoro webhuku. Tinoona zvichiitika kuna amai vakange vatengesa magandanga kumabhunu ndokuzomhanyiswa naShamwariyeropa vachibva vabatwa. Pavanobatwa vanotanga kurohwa negaro repfuti naShamwariyeropa vachingogomera zvinoratidza kuti pfuti yaive gona reChimurenga zvechokwadi.

Kutyisa kwaiita pfuti kunozadzisa musoro webhuku wekuti Gona reChimurenga.

Tinonzwa nemunyori kuti pavanosvika kwaRota vachibva kuMacheke vanowana vanhu vakagariswa pasi vakanyarara kuti zii pasina kana aipikisana navo. Zvinodaro nekuti vainge vakakombwa nevarume vainge vakapakatira.

Kuuraiwa kwemadzakutsaku maRota nemagandanga kunozadzisa musoro webhuku. Panosvika vanaMasango maRota vachibva kuMacheke vanouraya nhume dzehondo yevachena dzaishungurudza vagari vemaRota. Izvi zvinoonekwa panonzi Masango naShamwariyeropa vanongoswedera pedyo nenguva isipi varume ava vakanga vadimbuka misoro ndokupakirwa mumwena.

Kushandiswa kwemagrenade kunozadzisa zvakere musoro webhuku. Tinoona panokandwa magrenade nemagandanga vanhu vachifa zvakanyanya vamwe vachiputitswa apo vanaMasango pavanenge vadzokerazve kwaRota.

Kurakashwa kunoitwa vachana nepfuti maRota nemagandanga kunozadzisa musoro webhuku. Izvi tinozviona panopfuurwa mudhara akanga aita nharo nemasoja zvinoita kuti vanaMasango vabva vanzwa hasha dzakanyanya zvekuti nenguva isipi vachena vainge vasara vachida kurwa vainge vauraiwa. Zvinobuda panonzi, “Mabhunu chete ndiwo akamira odzorera asi nenguva isipi vakange vapera. Ndaiiridza mwoyo uchirwadza sezvinonzi ndaive nechironda.”

Tinopedzisa chimwe chidimbu chemhinduro yemubvunzo uyu svondo rinouya.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *