‘Kanda mwana muna Mukuvisi’

Garnet Zvimba
NYAKUITA manyemwe ekuudza mukadzi wake kuti haabvise mari yemendenenzi uye kumuti anokanda mwana wacho murwizi rwaMukuvisi, muHarare akabva kudare atonhorerwa apo akanzi abhadhare $90 pamwedzi.

Nancy Mbundire akaisa chikumburo chake kuHarare Civil Court achiti aimbove murume wake, Tonderai Kakapu, abvise mari yekuchengeta mwana wavo.

“Chikumbiro changu kuti murume uyu andipe mari yekuchengeta mwana. Nguva yese iyi ndini ndoga ndiri kungochengeta mwana iye achidya zvake nyika rutivi. Chaanogona kudya mari nepfambi achikanganwa kuti kune mwana wake, irema chairo murume uyu,” akadaro Mbundire.

“Chinonyanya kurwadza ndechekuti murume uyu haamboziva zvake kuti kunze kuno kunei. Ndikamubvunza mari anotondiudza kuti enda kwese kwaunoda ndakagadzirira kurwisana nemitemo yenyika ino.

“Akanditi ndinokanda mwana muna Mukuvisi kana ndashaya baba vemwana sezvinonzi haazvizive kuti iye ndiye baba vacho. Ndini ndakamurongera basa raari kushanda, pamusoro pazvo ndipo anondiudza kuti rasa mwana kwaMukuvisi,” akadaro Mbundire.

Kakapu akabvuma pamberi pedare kuti aingova manyawi akamupa kuzvitutumadza achitaura mashoko akadaro.

“Changamire, ndinokumbira ruregerero nemashoko andakataura aya. Ndaisada kuti zvidaro, kungoti ndakanga ndagumbuka ndikangotaura ndisingazivi kuti zvinorevei. Dai dare randiregererawo,” akadaro. Mutongi Trevor Nyatsanza akati Kakapu abhadhare $90 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×