MURAIRIDZI weTottenham, Mauricio Pochettino, anoti Harry Kane ari kuchikwata chakanaka icho chichamubatsira kukura mumutambo wenhabvu.
Mutambi weEngland uyu akanwisa ka31 achitambira Spurs mwaka wadarika uye Pochettino anoti Kane ari kufara zvikuru kutanga mwaka mutsva wePremier League achitambira chikwata chaakakura achitsigira.
Mapepanhau akasiyana ange achiti Kane anoda kutengwa nezvikwata zvinosanganisira Manchester United iyo ichasangana neSpurs pazuva rekutanga remwaka mutsva weligi. Pochettino akati, “Kane ari kufara kutanga mwaka mutsva nesu. Mashoko ekuti anogona kuenda akapera kare. Ari kufara kutambira chikwata chino.
“Mutsigiri mukuru wechikwata chino. Ndinofunga kuti ari kufara zvekufara zviya kutambira isu.
“Kana uchizviita muEngland nemuEurope, unenge uchikura mugwara chairo munhabvu inonakidza pasi rose. Ndinofunga kuti tine vatambi vanoziva zvavari kuita, vadiki muchikwata chino vakaita saHarry.
“Tinofanirwa kuramba takasimba. Tiri kuedza kuvaka chikwata chevatambi vadiki avo vachatambira chikwata chino kwemakore akawanda uye tichiedza kuzadzikisa zvishuvo zvedu sechikwata. Harry anogona kutamba chero zvakaoma sei. Achiri kukura asi akura mupfungwa dzake. Tiri kumuvaka kuti agove mutambi wepamusoro pasi rose.
“Hatina chekutya nekuti tinoziva kuti Harry acharamba achitamba nhabvu inodakadza.” — Sky Sports News.




