‘Ndinodyiswa nyama yevanhu kuhope’ . . . ‘Inenge izere zidhishi’

PANE mukadzi wekwaChivero, kuMhondoro, ari kuti nguva zhinji anorota achidya nyama dzevanhu uye akatopata musha nemhuri yake nekuti anogarorohwa nezvinhu zvinonzi zvidhoma.

Shirikadzi Mai Rudo Nyarumbe (48), vemubhuku Koroka, vanoti vave nemakore mana vatiza pamba pavo nekuda kwezvidhoma zvinovafurufusha.

Murume wemukadzi uyu, Nevison Kutadzaushe, akashaya mugore ra2004.

Pavakashanyirwa neKwayedza svondo rapera, Mai Nyarumbe vakawanikwa vari paimwe n’anga yekwaJonhera, kwakare kwaChivero, uko vaitsvaga kubatsirwa padambudziko ravo rekurohwa nezvinhu uye kurota vachidya nyama dzevanhu.

“Handichagara pamba pandakasiiwa nemurume wangu ndiri nekuda kwezvidhoma. Ndave kungotenderera muhama dzangu nedzekumurume wangu.

“Dambudziko rangu ndiroro, rezvidhoma zvaparadza musha wangu,” vanodaro.

Mai Nyarumbe vanoti kunze kwekurohwa nezvidhoma, vanorota vachidzandabvura nyama yevanhu — nyoro, kwete chimukuyu.

“Ndinorota ndakakombwa nevanhukadzi vemazera akasiyana, vachindipa nyama inenge izere mudhishi, vachiti inyama yevanhu. Handizive kuti mashavi erudzii anoita kuti ndisangane nehope dzakadaro. Zvichida ndizvo zvidhoma zvinondidariso,” vanodaro Mai Nyarumbe.

Vanoti kubva murume wavo ari mupenyu, mhuri yavo yaigara ichirohwa nezvidhoma zvichibheja kuti vachapata musha wavo bedzi.

“Chinonyanya kundirwadza ndechekuti kubva murume wangu afa, zvidhoma izvi hazvina kundipa zororo. Mwana wangu akatanga kurohwa zvichitaura kuti zvaiva zvatumwa kuzotora nyama. Ndakaenda naye kuchipatara kuChegutu, uko zvaitaura muchipatara vakoti vakanditi ndezvechivanhu, mangwana acho akabva afa.”

Mai Nyarumbe vanoti mwana uyu akafa mugore ra2012 achipupa furo mukanwa nemumhuno.

Pakashaika mwana uyu, vanodaro, mhepo iyi yakazobata kune mumwe mwana wavo uyowo wavanoti aitaura mashoko mamwe chete ekuti zvidhoma izvi zvaida nyama.

“Pakafa wekutanga, mumwezve akatanga kubatwa nemweya uyu ndokufamba naye mweya wezvidhoma uchibuda uchitaura kuti waida nyama. Nekudaro, ndakazongotiza pamusha apa uye ndava nemakore mana ndisisipo.

“Ndakaenda kuMt Darwin uko ndakazodzoka gore rakapera muna Mbudzi ndokuenda kwasisi vangu kuDomboshava,” vanodaro.

Mai Nyarumbe vanoti vasarirwa nevana vaviri — ane makore 26 neane 13 — avo vasina kugadzikana nekuda kwekutya zvinogara zvichiitika kumhuri yavo izvi.

“Ndinomboenda kumukoma wangu, Irene Mapike, kuDomboshava, kuna tete hanzvadzi yemurume kwaMugari uko kunogara mwana wangu mudiki.

‘‘Dzimwe nguva ndinogara kwababamukuru nekune dzimwe hama.

‘‘Ndangofanana nemombe yamashanga, ndokusaka nhasi mandiwana ndiri pano (pan’anga), kutsvaga kubatsirwa.”

Mai Nyarumbe vanoti kwavanofamba vanoudzwa kuti dambudziko iri riri kubva mudzinza remurume wavo, zvichinzi vamwe babamukuru vavo vakashaika ndivo vane zvidhoma zvanetsa izvi.

“Ndinoti ivo varidzi vemusha wandakaroorwa dai vandibatsira kugadzirisa musha wavo ndikwanise kudzoka pamba pangu,” vanodaro.

N’anga yakawanikwa ichishandira mukadzi uyu, Andone Fillipe Arumando (45), akati achaedza nepose paanogona kuti zvipere.

“Handigone kuti vanopona izvozvi, kurarama kwemunhu ndekwaMwari nemidzimu yake neyangu.

“Zvikasangana izvi tinokunda,” yakadaro n’anga iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×