Kanzuru yochema murume akafa atsitsirirwa nezimuti

Muchaneta Chimuka

MEYA weChitungwiza, Mai Rosaria Mangoma, vanoti kanzuru yavo iri kurwadziwa zvakanyanya zvichitevera rufu rwaTyron Mugove Chamboko (40) uyo akafa mushure mekuwirwa nezimuti ari mumotokari apo kwainaya mvura ine dutu paMakoni Business Centre nomusi weMugovera wadarika.

“Ndakamirira kanzuru yeChitungwiza nenharaunda yese, tinonzwa kudzimbikana nerufu rwaChomboko uyo ane upenyu hwakadimbudzirwa panzira mushure mekudonherwa nezimuti. Tsaona iyi yakaitika panguva iyo mvura yakanga iri kunyaya zvikuru kuine mhepo. Tinoti kumhuri yekwaChamboko nyaradzwai munaMwari vedu panguva yakaoma kudai,” vanodaro Mai Mangoma.

Vanoyambira veruzhinji kuti vasapake motokari pasi pemiti munguva ino yekunaya kwemvura senzira yekudzivirira tsaona dzakadai.

Vanotenda kanzuru yeChitungwiza, mapurisa eZimbabwe Republic Police neveFire Brigade mukukurumidza kuenda panzvimbo yakaitikira tsaona iyi vakakwaniswa kubvisa Chamboko uyo akazoonekwa kuti ainge afa mushure mekuendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

“Ngatisiyanei nekupaka motokari dzedu pasi pemiti kana kuchinaya kana kuti kuine dutu. Kunyangwe paya patinenge tichityaira, mumigwagwa zvakakosha kumbopaka kana muchinge maona kuti mvura iri kunaya zvakanyanya zvekutokurira mawaipa (wipe) uye ngationei kuti mawaipa edu ari kushanda zvakanaka. Toregedzawo kuyambuka nzizi dzakazara nekuti zvine njodzi. Patsaona iyi, sekanzuru tiri mushishi kuita ongororo,” vanodaro.

Zvakadai, vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Faith Mapisa, vanoti Chamboko aive akagara mumotokari nemumwe wake pakaitika njodzi iyi.

“Tafadzwa Kavenya naChamboko vaive vakagara mumotokari yerudzi rweHonda Fit yesirivha ine nhamba dzinoti ADQ 0599 iyo yainge yakamiswa pasi pemuti wemuJacaranda apo vakasagana netsekwende iyi. Chamboko akanga akagara mumotokari nechekumashure apo zimuti iri rakangoerekana radonha ndokurovera pamusoro pemotokari uye panguva iyi kwakanga kuri kunaya mvura ine dutu,” vanodaro.

Kavenya anonzi akakwanisa kuburuka mumotokari asi Chamboko akatadza sezvo ainge akatsimbirirwa ari mukati.

“Tafadzwa ndiye akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Chitungwiza vachibva vaenda nechikwata chaitungamirirwa naAssistant Inspector Shaba nemukuru weChitungwiza Fire Brigade, VaClaudius Chamunorwa, vakakwanisa kucheka muti uyu ndokubvisa Chamboko mumotokari umu,” vanodaro.

Asst Insp Mapisa vanoti Chamboko akakuvara zvakaipisisa mumusoro nedzimwe nhengo dzemuviri ndokubva aendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko zvakanosvikoziviswa kuti ainge ashaya.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×