Kapfupi akakuvara mutsaona

Kingstone Mapupu —
MUIMBI ari zvakare mutambi wemusara (madhirama), Freddy “Kapfupi” Manjalima, akakuvara mutsaona nemusi weMuvhuro svondo rino apo motokari yake yakabonderana nekombi mumugwagwa waChiremba, kuEpworth, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, Kapfupi anoti tsaona iyi yakaitika nenguva dza5 zuva radoka uye iye nevamwe vakakuvara vakaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Kapfupi akazoburitswa muchipatara ichi uye pari zvino ari kupora ari kumba kwake kuEpworth.

“Ndakaroverana nekombi apo ndaityaira motokari yangu iine vanhu vana. Dzakaroverana dzakatarisana apo kombi yaibva kutown uye ini handina kuzoziva zvaiitika sezvo ndakafenda. Mukombi munonzi makakuvara madzimai maviri nemwana uye tose takaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa neamburenzi,” anodaro.

Kapfupi (39) anoti pakaitika tsaona iyi, pane kombi yakangoerekana yamira pamberi pake, apo akaedza kuinzvenga akabva abonderana neimwe kombi yaiuya yakatarisana naye. “Ini ndakamanikirwa pamudhiraivo apo ndakabviswa ndakafenda. Asi vamwe vandaiva navo vose vanova chikwata cheband rangu vanosanganisira Charles Mugove, uyo akakuvara zvikuru, vachiri muchipatara. Ndaivawo naKudzi Thembo naTafadzwa Kapenta avo vakakuvarawo.”

Muimbi uye ane mavanga pachirebvu nekuda kwetsaona iyi uye anoti muchipfuva make muri kumurwadza.

“Vamwe vose vakakuvara makumbo akaita maronda asi kwete zvakanyanya, kunze kwaCharles akakuvara kumeso zvakanyanya. Ndinotenda zvikuru vashandi vepakiriniki yeDombo (Domboramwari) avo vakakurumidza kuunza amburenzi yakatibatsira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Hongu takakuvara nevamwe vangu asi kwete zvekudzosera basa kumashure. Tinotosvetuka maspeaker vanhu vakaridza mheterwa izvozvi. Ndine licence Class 4 kwete zviri kunzi handina chitambi.”

Motokari yavakaita nayo tsaona inonzi ndeyemudzimai waKapfupi, Precious “Mai Nga” Kabrito (32).

“Motokari iyi ndakaitengera mudzimai wangu zvino heyi, tichatenga imwe nekugadzirisa iyoyo zvakare,” anodaro Kapfupi.

Mai Ngaa vakawanikwa neKwayedza vachishenaira kuongorora kukuvara kwakaita murume wavo.

Maneja wechikwata chaKapfupi cheOrchestra Ndoozvo, Mhofu Edmore Muhlanga (34), anoti tsaona iyi yakaitika apo vakanga vachangosvika kubva kwavainge vanoridza kuChirundu, Karoi, nekuKariba.

Mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitendent Paul Nyathi vanoti vanoda nguva yekutsvakurudza zvakaitika munyaya iyi.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×