Zim yakakumba menduru kuSa

Abel Ndooka —
CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Hand Cycling chakadadisa nguva pfupi yadarika nekuhwinha menduru 13 kumujaho weOuteniqua Wheelchair Challenge uyo wakaitirwa kuGeorge, kuSouth Africa.

Team Zimbabwe yakahwina menduru dzinoti shanu dzegoridhe, mbiri dzesirivha nenhanhatu dzebhuronzi.

Vatambi vanoti Wilson Nyakoko, Knowledge Munogweyi, Thandiwe Ndlovu Ireen Phiri naRatidzo Tomu ndivo vakahwina menduru dzegoridhe mumijaho yakasiyana kozoti Moleen Majoni naMargaret Bangajena  vakahwina dzesirivha.

Maneja weTeam Zimbabwe, Christopher Jaji, akarumbidza chikwata chavo icho anoti chakasimudza mureza wenyika kumutambo uyu.

Anoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kwavakaita kuSouth Africa.

“Takaita zvinorova, chikwata chedu chakakwikwidza seshasha uye menduru dzatakawana dzinotaura dzega kuti tiri shasha.

“Tinotenda makambani akasiyana nerutsigiro rwavakatipa kumutambo uyu. Tinovimbisa kuti ticharamba tichirwa semvumba kuti tirambe tichikunda,” anodaro Jaji.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×