Kapfupi akarohwa naMai Nga? . . . ‘Hakusi kurohwa, ndakakuvadzwa nefeni remota’

MUIMBI uye ari mutambi wemadhirama ane mukurumbira, Freddy “Kapfupi” Manjalima, akakuvara ruwoko rwake uye pane runyerekupe rwuri kuti akazvambaradzwa kurohwa nemukadzi wake.

Asi Kapfupi (38) ari kuramba mashoko ekuti akarohwa nemudzimai wake, Precious “Mai Nga” Kabrito (30), achiti akakuvadzwa nefeni remotokari.

Kwayedza nemusi weChipiri svondo rino yakashanyira Kapfupi kumba kwake kuEpworth mushure mekunzwa runyerekupe rwekuti akakuvara mushure mekudashurwa naMai Nga.

Kapfupi anoti akakuvara ruwoko rwake rwerukuruboshwe svondo rakapera apo akavhura bhoneti remotokari yake yeMercedes Benz iyo yaisafamba zvakanaka sezvo yaivhara peturu. Apa anoti ndipo paakakuvadzwa nefeni.

Mai Nga
Mai Nga

Kapfupi, uyo akaita hurukuro neKwayedza achiratidza kuti airwadziwa neruwoko urwu, anoti akaenda kunorapwa kuchipatara cheHarare Central Hospital ndokusonwa masitichi 11.

Muchinda uyu akaseka runyerekupe rwekuti akarohwa naMai Nga achiti mashoko evanhu vanoda kusvibisa zita rake.

“Handina kumborwa nemukadzi wangu kubva tichiroorana. Pamwe vanhu vanoda kuti tizorwa asi hazviitike. Ndaiva kumashops kwaRueben (kuEpworth) apo motokari yangu yakapera peturu ndokubva ndatenga 5 litres yemuzvigubhu apo motokari yakatanga kuvhara ichiputika-putika. Ndakananaira kuti ndisvike kumba ndikazovhura kuhinjini ndokukuvadzwa nefeni paruwoko apa.

Onai vhidhiyo iyi:

‘‘Ndakazoenda kuchipatara kuGomo,” anodaro Kapfupi.

“Ndichadzokera kuchipatara kunogezwa maronda aya neChina chiri kutevera ndichiperekedzwa naMai Nga ava vamunonzi ndivo vakandirova.

“Zvisinei nekukuvara uku, weekend yadarika iyi takatonoita shoo kwaDotito ndichiridza ndakadai. Vanhu vakatozozviona ndapedza kuridza tikazodzoka neSvondo, asi husiku rwunorwadza zvaro,” anodaro muimbi anozivikanwa nekuisa musara kana kuti jee uyu.

Mai Nga vanorambawo mashoko ekuti vakarwisana nemurume wavo.

“Hatina kumborwa nemurume wangu, maronda aya vakakuvadzwa nemotokari yavo vachida kuigadzira. Vanoda kuti tirwisane vachanyara, hakuna zvakadaro,” vanodaro Mai Nga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *