MUMIRIRI weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vari kushingaira kusimudzira dzidzo mudunhu iri kuburikidza nekuvaka zvikoro zvitsva pamwe nekuvandudza zvimwe zvezvagara zviriko.
Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Cde Matangira vanoti chishuwo chavo ndechekuti mwana wose awane dzidzo yakakodzera.
“Handimbofa ndakafara kuona vana vemudunhu rangu vachidzidza muzvikoro zvisina tsarukano. Ndinoda kuti panosvika gore ra2020 vana vemuno vasarudze zvikoro zvavanoda sezvinoitwa kune mamwe matunhu kana kumaguta,” vanodaro.
MuBindura South mune zvikoro zvitsva zvinosanganisira Chigiji Secondary, Dongorembada Primary, Trojan Mine ECD neChenjerai Hunzvi Secondary izvo zvakatopera.
Kune zvimwewo zvikoro zvitsaru zvinodarika 20 zviri kuvandudzwa kuburikidza nerubatsiro rwaCde Matangira.
“Tichibatsirana nevabereki vemuno nemasahwira edu, tiri kuvaka zvikoro zvitsva, kuvaka dzimba dzekudzidzira, dzimba dzemakireshi nemaECD nedzinogara vadzidzisi.
“Pamusoro pezvo, tine chikoro chekudzidzisa mabasa emawoko cheChidamba Vocational Training Centre apo panofundiswa mabasa ekuvaka, kunama simbi, kuveza, kurima, kutyaira, nezvimwewo,” vanodaro.
Vanoti vabereki vanokanya zvidhinha nekuzoita mamwe mabasa anodiwa ivo vachitsvaga simende nezvimwe zvakaita semarata.
Zvikoro zvakabatsirwa nekuvakirwa dzimba dzekudzidzira zvinosanganisira Simoona Primary, Thrums Primary, Dengu Primary, Chireka Secondary neNyava Primary uko kwakavakwa kamuri yeECD.
Muzvikoro zvizhinji vanoti muri kuiswa magetsi kuitira kuti vana vadzidze vachishandisa michina yechizvino-zvino.
Cde Matangira vanotiwo vari kuwanisa zvikoro zvemudunhu ravo mabhuku ekunyorera.
Vakapawo rubatsiro rwekucheresa zvibhorani kuzvikoro zvinoti Chireka Secondary, Gwaze Primary, Guwa Primary neChakanyemba Primary.




