Karate handi kurwa: Chirumhanzu

Abel Ndooka

SHASHA yekarate yechidzimai, Grace Chirumhanzu, anoti mutambo uyu unodzidzisa vanhu kuzvibata uye kuzvidzivirira kwete kufamba uchirwisana nevanhu.

Chiramhanzu mumwe wemadzimai vane mukurumbira vari kusimudzira mureza weZimbabwe kunze kwenyika izvo zvakambomuona achihwina menduru yebhuronzi mugore ra2018 kuScotland.

Anoti kune vamwe vanhu vanotaura kuti ukaroora mudzimai anotamba karate unogona kugara uchirakashwa zvikuru, asi handizvo sezvo mutambo uyu unodzidzisa vanhu kuzvibata, kushinga pamwe nekuzvidzivirira kana vorwiswa nevamwe.

“Karate hazvirevi kuti unofamba uchirwa nevanhu, kwete inotokudzidzisa kuzvibata muhupenyu hwako uye kuzvisimbisa. Kana uchiita mutambo uyu, zvirwere zvakasiyana-siyana hazvimbokubate. Paye patinenge tichikwikwidza munhandare tinenge tichitodzidza zvakawanda.

“Kwatinogara kune nhubu dzakasiyana, mutambo wedu uyu unotidzidzisawo sevanhukadzi kuti tikwanise kuzvidzivirira kana nhubu idzi dzichida kuti vhiringidza,” anodaro.

Zvakadai, Chirumhanzu naRumbidzai Takawira anova imwe shasha yekarate vari kutarisirwa kuenda kunomirira nyika pamwechete nevamwe kuJapan kumakwikwi e2nd So-Kyokushin World Karate Championship 2020 ayo achaitwa munaKubvumbi.

Anoti kuchange kwakaoma zvikuru sezvo kuJapan kuriko kumuzinda wekarate asi vari kugadzirira kunohwina vagotevera mumatsimba aSamson Muripo uyo akahwina mumakwikwi aya kunyika iyi kekutanga mugore ra2018.

“KuJapan ndiko kumuzinda wekarate uye ndiko kwainobikwa, vana vanotokudzwa mumutambo uyu. Saka patiri kuenda kuJapan tinoziva kuti tichasangana neshasha dzakawanda. Asi hatisi kuzozvitarisa izvozvo. Shasha yedu Shihan Samson Muripo avo vanove murairidzi wedu vakanozviita kuJapan kumakwikwi aya saka isu tikagadzirira zvakasimba tinoziva kuti tichanozviitawo,” anodaro.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *