‘Vanhurume zvibatei’

Muchaneta Chimuka

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weSungura, Dennis Nyakudya (33) wekuDomboshava anoti vanhurume vanofanirwa kuzvibata uye vorega katsika kekutamba nevanasikana vevaridzi vachivapedzera nguva vasingazovaroora.

Nyakudya — uyo achangobva kubura nziyo mbiri (singles) dzinoti Pepukai naJokonia — anoti zvinorwadza kuona vamwe vanhurume vachikanganisa hupenyu hwevanasikana avo vamwe vacho vanongomitiswa vosiiwa vakadaro.

Anoti mukambo Jokonia anenge achiyambira vanhurume vajaira kutambisa vanasikana vevanhu vachizovasiya vachitambura kuti vasiyane nekatsika aka.

“Munharaunda, ndakaona kuti kune vamwe varume vanongoraramira kuporonga upenyu hwepwere apo vanenge vachiziva zvavo kuti havana chinangwa chekuvaroora. Saka vanenge vachingotamba nevana vevanhu vachitora mukana wepfuma yavanenge vainayo. Vana ava vanoendeswa kumafaro vachigocherwa vofunga kuti ndihwo upenyu hwakanaka asi mugumo vanomitiswa kana kupihwa zvirwere zvepabonde vosiiwa vakadaro,” anodaro.

Nyakudya anoti mukambo Pepukai, anenge achitsanangura kukosha kwakaita kubatana kwemhuri mukugadzirisa matambudziko avanenge vakatarisana nawo.

“MunaPepukai ndinoedza kurayira vedzimhuri dzakasiyana kuti kana vachinge vawirwa nematambudziko akadai sekufirwa, kusaroorwa kana zvimwe zvinhu zvinongoita serushambwa vanofanira kuisa misoro pamwechete kuti dambudziko iroro ringe richipera. Pfungwa iyi yakauya zvichitevera dzimwe mhuri dzatinogarisana nadzo munharaunda apo vanhu vari kungopera kufa uye vana vachiti vakaroorwa havatori nguva vasina kurambwa,” anodaro.

Madambarefu akaburwa nemuimbi uyu anosanganisira Yambiro Yakanaka (2016), Hazvibvumirwe (2017) naNyasha Dzenyu muna2018.

Zvisinei, muchinda uyu anochema-chemawo nenyaya yepairesi achiti iri kudzosera mabasa avo kumashure zvikuru.

“Sevaimbi, tine basa guru rekuimba, kutenga michina yekuridzisa uye nenguva huru yatitonora tichigadzirira nezvimwe. Asi kune mbavha dzinongomiririra kuita mubikirwa webasa ratinenge taita vachibva vachiriita ravo apo vanotengesa vachiita mari yakawanda kupinda isu. Ndiko kusaka pamwe pacho muchiona isu vaimbi tichigumisira tava kupinda mumaguta tichiedza kuzvitengesera tega mabasa edu nekuti nhau dzepairesi dzanetsa,” anodaro.

Nyakudya akaita zvidzidzo zvake zvesekondari paNyakudya Secondary School nepaParirewa High kuDomboshava kwakare.

Anoti chipo chekuimba chakatanga achiri mudiki kwazvo apo aiteerera vamwe vaimbi vemunharaunda maanogara vakadai sevechikwata cheDomboshava Giants chinotungamirirwa naGodknows Kembo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *