‘kasika kumhan’ara ukabatwa chibharo’

CHIPATARA cheWilkins Hospital, muHarare, svondo rapera chakaparura zviri pamutemo chikamu chichabatsira vanhu vanenge vashungurudzwa nemhirizhonga yepabonde, cheSexual Gender Based Violence Hospital.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru wezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vakati chipatara ichi chichabatsira vanhu vanoshungurudzwa nemhirizhonga, zvikuru yepabonde sekubatwa chibharo, pamuviri pasingadiwe nepasina kurongeka pamwe nevanoshungurudzika mupfungwa mushure mezviitiko zverudzi urwu.

“Mhirizhonga yechibharo kazhinji kacho inofambirana nekutapurirana utachiona hweHIV uye inoshungurudza zvakanyanya. Harare City Health Services Department iri kushanda nesangano reMedecins San Frontiers (MSF) Belgium mukuvaka chimwe chipatara cherudzi urwu kuMbare Polyclinic, icho chiri kubatsira vanhu 100 pamwedzi vanenge vashungurudzwa nenzira yechibharo vanosanganisira madzimai nevana vane makore ari pasi pe18 okuberekwa,” vakadaro Dr Chonzi.

Vanoti magwaro avo anoratidza kuti vanhu 1 188 avo vakasangana nemhirizhonga dzerudzi urwu mugore ra2014 vakabatsirwa pachipatara ichi mukati memaawa 72.

Dr Chonzi vanoti huwandu hwevanhu vari kushungurudzwa nemhirizhonga gore rino hwakawedzera nechikamu che43% kana zvichienzaniswa negore radarika.

“Pamisangano yatinogaroita takadzidza kuti nyaya dzemhirizhonga zhinji dzatiri kutambira dziri kuitwa pakati pehusiku, mukupera kwesvondo pamwe nepamazuva ezororo. Takazodzidza zvakare kuti panguva idzi hakuna kana vashandi vanenge vari kumahofisi eSexual Gender Based Violence sezvo vanhu vachishanda kubva na8 mangwanani kusvika na4 dzemanheru.

“Mugovera neSvondo hakuna zvakare vanoshanda saka takaona riri dambudziko kuvanhu vanobatwa chibharo nokuti vanenge vachida rubatsiro rwakaita se’Post Exposure Prophylaxis (PEP)’ rwekudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV, kupangwa mazano nekubatsirwa kunomhan’ara kumapurisa pachine umboo.

“Ndipo patakazouya nezano ratakashanda pamwe nesangano reUNFPA kuti tizarure chipatara chinoshanda nehusiku (Wilkins 24 Hour Clinic),” vakadaro.

Dr Chonzi vakati chipatara ichi chichabata mabasa mazhinji akaita sekubatsira vanotambudzwa nemhirizhonga neHIV, mishonga yekudzivirira pamuviri, kuvhenekwa gomarara remuchibereko, kuwaniswa kwemishonga yema’anti-retroviral drugs’ pamwe nekuvhenekwa chirwere cherurindi.

Vanoti vanhu vanenge vabatwa chibharo vanofanira kukasika kurapwa nekuwaniswa rubatsiro rwekuti nyaya dzavo dzimhan’arwe nenzira kwayo kuitira kuti varambe vachifarira kuenda kunorapwa muzvipatara.

“Tine varapi nenyanzvi dzezvemutemo pamwe nevapangi vemazano vanoona kuti vanhu vanenge vashungurudzwa nechibharo havazoshungurudzwa zvakare muzvipatara. Varapi havafanire kukanganwa kuti munhu wose ane kodzero dzinofanira kuremekedzwa, zvikuru panyaya dzekuchengetedza zvinhu muhana mavo zvakaita sechibaro pane kushambadza murapwa kumunhu wose-wose. Kana murapwa akabatwa zvakaipa anonotaurira vamwe mozoshamisika kuona chipatara chisingachatsikwe nevarwere uye matambudziko achiwedzera munharaunda,” vakadaro.

Zvichakadai, City of Harare Health Service Department inokurudzira veruzhinji kuti vashandise hotline nhamba dzavo dzinoti 34450 kana vaine zvichemo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *