Kasvava kakaroverwa pasi

mwanaMWANA achiri kasvava kane mwedzi mumwe chete kaberekwa akapona nepaburi retsono svondo rapera apo akangoerekana abatwa nekumakumbo nemumwe munhukadzi anova hama yemhuri iyi ndokuroverwa pasi, kwete kamwe chete kana kaviri, asi KATATU.

Chikonzero chakaita kuti hama yechikadzi iyi iite mashura aya mumusha weHatcliffe Extension, muHarare zuva rakacheka nyika hachina kuzivikanwa kusvika pakudhindwa kwenyaya ino asi mushure mechiitiko ichi, kasvava aka kakabva kaendeswa kuchipatara.

Mukadzi wekupwatitsira mwana pasi uyu akatoita zvekudziviswa ndokubatiranwa nevanhu vaivepo kuti azosiya kasvava aka apo akazoendeswa kumapurisa.

Amai vemwana uyu, Mai Zvisinei Mugezelwa vanoonekwa vakamubata mushure mebhaisikopo rakaonekwa nevagari venzvimbo iyi iri.

Mai Mugezelwa, kasvava aka kanonzi hakana kukuvara uye pane mumwe mufananidzo Mai Mugezelwa vairatidza X-ray yakatorwa mwana wavo kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals. — Mifananidzo: Memory Mangombe.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×