Kasvava karaswa musango

Tendai Gukutikwa

MWANASIKANA anove kasvava, uyo anofungidzirwa kuti ane masvondo matanhatu ekuberekwa, akawanikwa akaraswa pedyo nemiti yemibhanana kunzvimbo yeGaza “O”, kuChipinge.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti pari zvino iri kuferefetwa.

“Ndinotsinhira nyaya yemwana mucheche akawanikwa akaraswa, yakaitika kuChipinge nemusi wa2 Kubvumbi 2026 nenguva dza8pm,” vanodaro.

Vanoti kasvava aka kakaonekwa nemunhu aifamba netsoka achibva kuGaza “O” Business Center achienda kurukisheni rweGaza “O”.

“Sekutaurwa kwazvinoitwa, munhu aifamba netsoka uyu, apo paakasvika panzvimbo iyi, akaona mwana musikana uyu ari mupenyu, anofungidzirwa kuti angangoita masvondo matanhatu ekuberekwa. Akanga akakandwa pedyo nemimwe miti yemabhanana,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanoenderera mberi vachiti mwana uyu akasiiwa achitaridza kuti aive achengetedzeka nekupfekedzwa mbatya dzinodziya.

“Mwana mucheche uyu akawanikwa akapfeka zvakanaka uye akaputirwa mugumbeze revana. Munhu akamuona uyu akaita nekukurumidza ndokuendesa mwana kune mumwe mukuru-mukuru aive pedyo kuti abatsirwe,” vanodaro.

“Mumhan’ari akaendesa mwana uyu kuna Mai Sarah Marwa Sithole (55) vanove kanzura weWard 6 vanogara panhamba 2107, kuGaza “O”. Pamwechete, vakaenderera mberi nekunomhan’ara nyaya iyi kuZRP Chipinge Urban. Mapurisa akabva aenda panzvimbo iyi, zvisinei kuti munhu ari kupomerwa mhosva iyi haasati azivikanwa,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanoenderera mberi vachiti: “Mwana uyu akaendeswa kuchipatara cheChipinge District Hospital kuti anoongororwa nanachiremba, akachengetedzeka uye ari kuwana rubatsiro rwakakodzera.  Tinokumbira veruzhinji vangave neruzivo nemunhu akarasa mwana uyu kuti vanomhan’ara kukamba yemapurisa iri pedyo navo.”

Vanoti kurasa mwana imhosva huru pasi pemutemo.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekuisa vana vacheche mumamiriro ezvinhu anogona kuvapinza panjodzi nenzira dzipi zvadzo sezvo kuita kwakadai kuchikonzera kuti munhu arangwe maringe nemutemo. Pane dzimwe nzira dzakachengetedzeka uye dziri pamutemo dzekubatsira vanotarisana nematambudziko mukuchengeta vana, kusanganisira kutsvaga rubatsiro kubva kuSocial Welfare,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *