Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti muporofita wekunopinda mubako rinoyera ndokuzonamiramo akazvionera pamhuno sefodya.
“Tinogara tichitaura nguva nenguva kuti mapositori nevamwe vanamati ngavasiyane nekutamba nenzvimbo dzinoyera nekuti vamwe vanofiraMo kana kunyangarika munhu ongonzi akashaikwa. Ngatichengetedzei chivanhu chedu.
“Murume uyu ane mhanza, angadai akauraiwa nemanyin’inya kana kuremadzwa. Asi anoda kubatsirwa kuchivanhu, anogona kupenga kana kuita chirema,” vanodaro VaKandiyero.
Zvakadai, Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko yekuChitungwiza vanokurudzira vamwe vanamati kuti vatevedze chinamato pasina kutsvaga mamwe masimba echiporofita nekutsaudzira.
“Ngatitsvagei masimba pakubatsira nekuporofita vanhu kubva kuna Mwari kwete kumapako kana kune mamwe masimba asina kuchena,” vanodaro.
Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka
Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…




